Uncategorized

Akafa arohwa padoro

06 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Akafa arohwa padoro

Kwayedza

Liberty Dube

VAMWE varume vainwa doro vachitandara kuzvitoro zvekuChipinge vanonzi vakasvika pakunetsana izvo zvakazoona murume aive nemakore 27 okuberekwa achirohwa neshamwari yake zvekusvika pakufa.

Daniel Sofa anonzi akakuvara zvakaipisisa muviri wake mushure mekunge arohwa naLeson Njuwaga.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika panzvimbo yeWedi Compound kwaMambo Mutema, kuChipinge.

“Sofa naNjuwaga vakaenda kuWedi Compound uko vakatanga kunwa doro. Vakanetsana nenyaya isiri kuzivikanwa ndokutanga kurwa. Njuwaga anonzi akarova Sofa muviri wake wese akakuvara zvakaipisisa ndokusvika pakufenda.

“Aona kuti pashata, Njuwaga anonzi akatiza kubva panzvimbo iyi ndokuzodzoka kwapera maminitsi 30 achizotarisa kuti Sofa akange ari sei. Akaedza kumumutsa nekumudira mvura muviri wake asi zvakashaya basa sezvo akange atofa kare. Nelson akasungwa uye ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanokurudzira veruzhinji kuti kana vachinge vapokana vagadzirisane mune zvakanaka pane kuita zvemhirizhonga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey