Uncategorized

Akafa arovera vabereki bere . . . Mupositori tasa . . . mumwe orasika njere

03 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Akafa arovera vabereki bere . . . Mupositori tasa . . . mumwe orasika njere Tete nemuroora

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME mupositori wekuGuruve akafa, mukoma wake ndokusara orasika njere mushure mekunge vaviri ava vapihwa mhiko netsvimbo dzakanamatirwa kumasowe kwavo, idzo vakanoshandisa kuzvambaradza vabereki vavo nekuvapisira musha nematanga embudzi vachivati varoyi vane zvikwambo nemapere.

Vanakomana vaviri vekupurazi reSiyalima ava vanonzi vakaita musara zvekurasika njere vachangobva mukuzvambaradza vabereki vavo nekuvapisira dzimba vachivati mumba yavo yekubikira ndimo mavaichengetera zvidhoma nemapere.

Richard Machobaiwa (41) naCain Machobaiwa (39) vanonzi vakangotanga kurasika njere mushure mekupumha vabereki vavo huroyi, Cain ndokuzofa svondo rapera. Richard anonzi ari kutenderera pfungwa zvekutogara akasungwa netambo.

Winaisi Kanokora (38), anova mudzimai waCain, anotsinhira nyaya iyi.

“Nyaya iyi yakatanga apo murume wangu nababamukuru Richard vakashevedzwa kumba kwevabereki vavo kuArea 9 kuVillage 1, imo muno muGuruve, vachinzi vazoungana vataurirane nekuda kwenyaya yengozi yaambuya — amai vababa — avo vanonzi vakafa nekupondwa. Ambuya ava vaiva vekwaChapoto, kuKanyemba, uko kwaida kunoripwa mombe nemhuri iyi.

“Vaviri ava vabva ikoko, ndipo pavakangotanga kuchema husiku vachiita sevasvikirwa vachitaura kuti vaishandiswa nababa naamai vavo,” anodaro Kanokora.

Anoti Richard naCain vakarara usiku hwose vachitaura nyaya dzaisanzwisiswa kusvikira kunze kwaedza apo vakazodzokera kumba kwevabereki vachiti kwaiva nedare remusha.

“Vasati vasimuka, Cain akabatwa nemweya waitaura kuti, ‘makandisungisira chii ndikapika jeri pasina chandakatadza’. Vaviri ava vakatora mudhudhudhu wavo ndokupfeka magemenzi ekuchechi kwedu yeJohane Masowe First, ndokutakura tsvimbo dzavo dzekuchechi vonanga kumba kwanababa. Vasvika ikoko, vanonzi vakabatwa nemweya vose vachitaura kuti mumba yekubikira yevabereki vavo maiva nezvidhoma nemapere nemishonga yakaipa.

“Cain anonzi akazopisa imba iyi achiti aipisira zvinhu zvavo imomo,” anodaro Kanokora.
Zvimwe zvezvinhu zvakapiswa zvaive mumba umu zvinosanganisira magumbeze evabereki vavo.
Cain anonzi akazorova baba naamai vake netsvimbo yake yekuchechi kusvikira yadambuka nepakati apo aikarara nemweya.

Amai vake, Martha Mutata nababa VaThomas Machobaiwa, vanonzi vairidza mhere pavaizvambaradzwa nemwanakomana wavo uyu.

Cain anonzi akazoenda kudanga rembudzi akaripisa mukatsvira mbudzi nhatu.
Vaviri ava panguva iyi vanonzi vakabva vatanga kukatanura mbatya dzavainge vakapeka voita sevorasika njere , ndokutosungwa makumbo nemaoko netambo.

Richard naCain vanonzi vakazoramba vachirwara kubva mumwedzi waGunyana apo Cain akazoshaika svondo rakapera akasungirirwa panze nekuda kwekurwara nepfungwa.

“Cain akafira kumba kwanababa nekupenga uku, babamukuru Richard izvozvi vari kupengawo rinova dambudziko rakatanga nguva imwe chete. Hama dzemurume wangu dzinoti ini naCain takaromba izvo zvakapengesa vaviri ava.

“Asi nyaya hombe iripo ndeyekuti vaviri ava vakapenga vapisa imba yaamai vavo yekubikira vachivapomera huroyi inonzi yaiva nezvivanda nemimwe mishonga yakaipa,” anodaro Kanokora.
Mudzimai uyu anoti haana kumbopihwa mukana wekutaura nemurume wake kusvikira afa apo ainge akasungwa netambo.

“Murume wangu akafa akasungwa maoko nemakumbo netambo ari pakirawa pamba pevabereki vake uye akasunganidzwa nababamukuru. Vakaona munin’ina wavo achifa,” anodaro Kanokora.
Lutios Machobaiwa (33), anova munin’ina wevarume vaviri ava, anotsinhira kuti vakoma vake vakatanga kurasika njere zvisinganzwisisike, Cain ndokuzofa.

“Vaviri ava vakangotanga kubatwa nemweya kuita sevanosvikirwa vachikatanura mbatya ndokuzotanga kupfurunura imba yekubikira iyo yakabva yapiswa naCain uyo akazonobatidza danga rembudzi mukafira mbudzi nhatu. Cain akarova baba naamai netsvimbo yake yekumasowe ikatyoka tyoka,” anodaro Lutios.

Anoti Cain naRichard pavaiita bongozozo iri, vaiti vaida kupisira zvivanda nemapere nezvimwe zvinhu muimba iyi, izvo vakataura kuti zvaishandiswa nevabereki vavo.

Imba yakatsva

“Vakoma ava vanonzi vakaenda kugomo reNyamuti, kuSayilima ravainamatira kuchechi kwavo yeJohane Masowe First uko vakapihwa mhiko dzakazovapengesa apo vakapihwa tsvimbo dzakabikwa. Cain akazofa achiti aibaiwa muviri wose nemasahwa ehove mbishi idzo vakadya,” anodaro Lutios.
Pakashanyira Kwayedza pamusha wevabereki vevarume vaviri ava vakawanikwa vasipo apo amai vacho vainzi vaiva vatorwa nehama dzavo kunonyaradzwa uyewo baba vacho vainge vafambira hurwere hwaRichard nechinangwa chekuti abatsirwe.

Nyaya yekupiswa kwemba iyi inonzi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuGuruve izvo zvinotsinhirwa nemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Fidelis Dhewu.

“Ichokwadi, mapurisa edu ekuGuruve vane nyaya yekupiswa kwemba nemwana kunzvimbo yakagariswa vanhu patsva yeArea 9 kuVillage 1. Inyaya iri kuferefetwa,” vanodaro Asst Insp Dhewu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey