Uncategorized

Akafa auraya nyoka ‘yemunhu’

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MURUME wekwaMajero, pedyo nechikoro cheGorwa Primary School, kwaMusana, anonzi akafa zvisinganzwisisike apo ainge achangobva mukuuraya nyoka isina kuzivikanwa rudzi rwayo.

Hama dzaLivingstone Sendeza (41) dzinoti mushakabvu uyu haana kurumwa nenyoka yaakarova, asi kuti zuva iri akangotanga kurwara nezvinhu zvaisaonekwa, ndokutofa.

Livingstone anonzi akafa nguva pfupi yadarika ari pamba pevabereki vake apo akangotanga kuita seairwa “nezvinhu”, nguva pfupi abva mukurova nyoka neshamhu ikafa.

Vanotaura vanoti akangotanga kubuda ropa mukanwa nemumhuno akapfumbata zvibhakera apo anonzi airova zvinhu zvaisaonekwa. Vanoti airova madziro emumba yekubikira yaamai vake nezvimbokoma.

Amai vemushakabvu, Mai Juliet Tauzeni (58), vanoti rufu rwemwana wavo wechipiri pavana vanomwe uyu rwakavashamisa zvikuru sezvo zvakauya musi waauraya nyoka yavasina kuziva rudzi rwayo, iyo yavanoti “inyoka yemunhu”.

“Mwana wangu haana kumborwara. Musi uyu akabva kumba kwake uko anga achigara oga ndokusvika achiti aiva nenzara. Ini ndaiva nemuroora wangu, Ebba Makonore (19), mudzimai wemukomana wangu mudiki. Takadya tose pasida denda raainzwa,” vakadaro.

Vanoti mumwe aivapo pavakadya sadza ndimaiguru vemushakabvu, Mai Felistas Sendeza.

“Tiri pamba, muroora Ebba akabuda panze ndokuona nyoka pachivanze iyo yakanopinda muimba yangu yekurara. Akashevedzera tose tikabuda, Livingstone ndokutora muti wemuhingi akairova ichibva yafa. Akangonoirasa uye hapana zvatakafungira,” vakadaro amai ava.

Mai Tauzeni vanoti Livingstone akazobva pamba ndokuenda kupurazi reFrascat uko akazodzoka kwadarika chinguva.

“Akasvikorara zvake mumba apo akazotanga kuzvirovera pasi zuva rodoka achipfumbata zvibhakera. Airova madziro aya achiratidza kuti airwisana nechinhu chaisaonekwa. Aitovhika nekupotsera zvibhakera zvichinorova kumadziro emba,” vakadaro amai vemushakabvu.

Vanoti panguva iyi, akatanga kubuda ropa mumhuno nemukanwa apo vakanga vamubatirana uye vamukumura mbatya.

Vakazotsvaga motokari yekuenda naye kuchipatara chekwaMavhudzi Chikwaka uko vakasvikoudzwa kuti aiva afa kare.

“Takazodzoka nemutumbi wake kumba zvikandishamisa kuti chaiva chii. Ini musi uyu ndakanga ndichangobva kumusha kwangu kuMadziva uko ndakanga ndafambira hurwere.

‘‘Asi chokwadi chiripo ndechekuti nyoka iyi ine chekuita nekufa kwemwana wangu, hatina zvedu kuziva rudzi rwayo,” vakadaro Mai Tauzeni.

Livingstone anonzi aingoroora madzimai achiramba uye akasiya vana vaviri.

“Mwana uyu akafa Chipiri tikazomuviga neChina asi pakaitika chishamiso chekuti mutumbi wake wakanga wazvimba kuita semunhu akarumwa nenyuchi uye takamuviga akadaro.”

Mai Tauzeni ichirikadzi sezvo murume wavo akafa mugore ra1992 uye vasara nevana vashanu.

“Kune vakazviita ndinoti vakomborerwe zvavo nekuuraya mwana wangu.

‘‘Asi, pasi panorwa poga,” vakadaro vachi ratidza kurwadziwa kukuru.

Muroora wavo, Mai Chipo Murungweni (29), vanova mudzimai waTichafa Sendeza, vanotiwo vakagurwa kunorira.

Vakatsigirwa nemukadziny’ina wavo, Mai Shine Nyamukapa (31), avo vakati havana neremuromo nefiro yaLivingstone.

Mai Felistas Sendeza vakatiwo dai zvaikwanisika vaida kutsvaga vanhu vanogona kugadzira nemishonga yechivanhu kuti muramu wavo amuke, orwisa vakamuuraya.

“Ini ndakarwadziwa, Livingstone akaenda ari mupenyu. Hakuna kufa kwakadaro,” vakadaro.

Mai Ruth Chirimugaha (48), avo vanova ambuya vaLivingstone, vanoti muzukuru wavo akauraiwa nevavengi.

Sekuru kumhuri yekwaSendeza, VaSamson Hari (64), vakatsinhirawo mashoko aya vachiti:

“Firo yemuzukuru wangu yakashamisa zvikuru. Hakuna munhu anofa zvakadaro, pane chivanhu chakaitika.” Clifford Sendeza (34) anoti ivo semhuri, vakange varasikirwa zvikuru nerufu rwemukoma wake.

“Mukoma akaita sekunge akapfurwa nepfuti nekuti munhu aizvifambira. Zvino zvakaramba zvakadai tinopera,” akadaro Clifford.

Sabhuku wemusha uyu, VaJonah Majero, havana kuonekwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey