Uncategorized

Akagochwa achiba magetsi

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Akagochwa achiba magetsi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anofungidzirwa kuti imbavha yewaya dzemagetsi anonzi akabatwa nemagetsi, ndokupiswa achibva afira panzvimbo svondo radarika papurazi reChokudenga, kuMarondera.

Izvi zvinonzi zvakaitika nenguva dza10 husiku nemusi wa1 Gunyana apo Barnabas Mahwite (27) wepapurazi reChokudenga akabatwa nemagetsi achiedza kuba waya dzemagetsi nemumwe wake uyo akapunyuka, iye ndokufira panzvimbo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nezvekufa kwemurume uyu.

“Nyakufa uyu aiva nemumwe wake uyo ari kutsvagwa nemapurisa. Vanonzi vakaenda papurazi reKudenga vakatanga kudambura tambo dzemagetsi. Mumwe wavo akabva abatwa nemagetsi achibva afa ipapo.

“Mutumbi wake wakatsva zvekuita tsito uyo wakazowanikwa nevarindi vemupurazi iri avo vaitenderera mangwanani ezuva rakatevera,” vanodaro Insp Mwanza. Mapurisa anonzi akazowana waya dzemagetsi dzakareba mamita 600 idzo dzinofungidzirwa kuti dzainge dzachekwa nembavha idzi dziri mumasaga ainge akavigwa musango rriri pedyo.

Mutumbi waMahwite wakazoendeswa kuchipatara cheMarondera General Hospital kuti unoongororwa.

“Tiri kukumbira kuruzhinji kuti vanhu vasabe kana kutamba netambo dzemagetsi. Kuba tambo dzemagetsi kune chirango chekugara mujeri kwemakore akawanda zvikuru uyewo pane njodzi huru yekuti vanhu ava vanobatwa nemagetsi vofa kana kukuvara sezvakaitika kumurume uyu,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti nyaya yekubiwa kwetambo dzemagetsi kudunhu reMarondera yanetsa zvikuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey