Akakandwa mujeri aroora pwere

26 Aug, 2021 - 11:08 0 Views
Akakandwa mujeri  aroora pwere

Kwayedza

Luthando Mapepa

MURUME ane makore 48 okuberekwa wekuChipinge akazvisikira moto muziso zvichitevera kusungwa kwaakaitwa mushure mekuroora mwana pwere ane makore 14 ekuberekwa.

Msindo Makuyana, anogara kunzvimbo yeNew Year’s Gift, akamiswa pamberi pemutongi wedare reChipinge Magistrate Court, Mai Elizabeth Hanzi, nemusi weChipiri achitarisana nemhosva yekupinda pabonde nepwere pasi pemutemo weSection 70 of the Criminal Law (Codification and Reform) Act.
Makuyana ari kubvuma mhosva yake ndotongerwa kugara mujeri kwemwedzi 36.

Mwedzi mitanhatu yechirango ichi yakasendekwa parutivi paine chitsidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu ari kutevera.

Achibvunzwa kuti sei akapara mhosva iyi, Makuyana anoti akanyengedzwa nekukura kwemuviri wemwana uyu ndokufunga kuti akange ayaruka.

“Ndakange ndisingazive zera remusikana uyu. Ndakafunga kuti ave munhu mukuru sezvo aine muviri wakakura. Ndinokumbira kunzwirwa tsitsi nedare nekuti ndinonzwanana zvikuru nemudzimai wangu. Handina zvakare kumumanikidza kuti ave mudzimai wangu,” anodaro Makuyana achichema-chema mudare.

Muchuchisi Muzvare Chipo Matanga vanoti nemusi wa8 Nyamavhuvhu gore rino, Makuyana akasangana nemumhan’ari panzvimbo yemabhizimisi yeSamhutsa Business Centre achibva amuudza kuti anomuda iye ndokubvuma kuti azomuroora.

Vakabva vaenda vose kumba kwaMakuyana ndokutanga kugara vose semukadzi nemurume.
Gure iri rakazobuda pachena mushure mekunge vaviri ava vashanyira tete vemumhan’ari apo aida kuvazivisa kuti Makuyana ndiye akange ave murume wake.

“Tete ava vakaudza Makuyana kuti hazvaiita kuti aroore mumhan’ari nekuda kwezera rake,” vanodaro Muzvare Matanga.

Tete ava vakabva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Makuyana asungwe.
Mumhan’ari akazoendeswa kuchipatara cheChipinge District Hospital kuti anoongororwa nanachiremba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey