Uncategorized

Akakwesheswa mukanwa mechitunha

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Akakwesheswa mukanwa mechitunha

Kwayedza

. . . ndokuisa mushonga pasi perurimi
. . . vamwe vachipukuta dikita pamufi

Milcah Nhakura
MUMWE mudzimai akabongomora kuchema mudare redzimhosva mushure mekunge afumurwa kuti akafurira mukuwasha wake kuti akweshe mukanwa mechitunha chemukadzi wake nemushonga waakange amupa apo iye aipukuta ziya raibuda pamutumbi nejira.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court mushure mekunge Mary Chazika amhan’arira vamwene vemwanasikana wemukoma wake — Maryline Mukabeta — achivapomera mhosva yekumutuka nekumupumha huroyi.

“Changamire, amai ava vanonditi ndini ndakauraya Maria mwana wasisi vangu. Chinondinetsa ndechekuti kutambura kwese kwandaiita ndichichengeta Maria achirwara havakuoni.

“Vakandinongedza nechigunwe vakati kumba kwangu tichatadza kugara zvakanaka uye ndichapfukirwa. Maria uyu akanga akaroorwa nemwana wavo,” anodaro Chazika. Anoenderera mberi kuudza mutongi wedare iri Tafadzwa Miti kuti, “Hapana chandinoziva nekufa kwaMaria, kana paine chandinoziva Mwari ngavanditonge. Mbuya vaPipi mune pamuromo, Mwari ngaave nemi.”

Mukabeta anopokana nechikumbiro chaChazika achiti, “Pamusoroi mambo wangu nedare rose rino, nyaya iri pakati pemhuri yangu neyavo yakakura. Ndeye kufa kwemuroora wangu, mwana wavo. Mudzimai uyu akashandisa mwana wangu kuti aite huroyi hwavo.

“Pakafa muroora wangu — mwanasikana wavo — amai ava nemurume wavo vakatora mwanakomana wangu vakaenda naye kuMbare uko vakanomupa mushonga vakamuti kekuti akweshe mukanwa mechitunha chemudzimai wake uye aise mushonga uyu pasi perurimi. Chinondinetsa ndechekuti vakamuti usaudze kana ani zvake.

“Vakamumirira achikwesha vachimutyisidzira. Mwana akangoitawo sezvo aiudzwa nevakuru uye ainzi ndezvemhuri.”

Mukabeta anoti parufu urwu, Chazika akauya nejira iro raaipukutisa ziya raibuda kumeso kwechitunha.

“Parufu, vakauya nechijira chavo icho vaishandisa kupukuta kumeso kwemushakabvu vachiti ari kudikitira. Izvi vaizviita uye vakaonekwa, ndokunyepera kunorasa chijira chiye mugomba. Isu zvakatikatyamadza semhuri nekuti takanga tisati takambozvionawo mukurarama kwedu.

“Vairatidza kuvhunduka. Mai ava ngavadzidze kutaura chokwadi nekuti zvinotirwadza kuti munhu anouraya mwana wasisi vake achisiya vana vake dziri nherera,” anodaro Mukabeta.

Anoendera mberi: “Vakazoenda kumba kwemwana wangu, anova mukuwasha wavo, vakanoteketera vachidira mushonga nekutaura chiMalawi icho chisingambozikanwe nemwana wangu. Kubva pavakateketera, mwana wangu rave rombe remakoko zvekuti ndini ndinotomuchengeta pamwe nevazukuru vangu.

“Bundu riri pamwoyo pangu rakakura. Mai ava ndichavaregerera kana vareurura nekuti handisati ndakamboona munhu ane mwoyo wakaoma sewavo.”

Panguva iyi Chazika akabva abongomora mhere mudare achitadza kutaura.

Mutongi Miti akazopa Chazika gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey