Uncategorized

‘Akandipisira nevana mumba’

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Akandipisira nevana mumba’

Kwayedza

 ‘Iwe wakadanana  nemunin’ina wangu’

MUKADZI wekupisirwa mumba pamwe chete nevana nemurume wake achipomerwa mhosva yekumuchengetesa mwana asiri wake akazopotera kudare redzimhosva. Farisai Nherera akaendesa murume wake, Charles Nherera, kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.Akaudza mutongi wedare iri Gamuchirai Siwardi kuti: “Murume wangu ari kundishungurudza nekundituka pamwe chete nekundirova. Handichina rugare, mazuva ano zvanyanya. Anondipa mhosva yezvinhu zvakaitika kare nenyaya dzatakatongana dzikapera.

“Akambondipisira mumba nevana tiri kumusha, akazombondipisira hembe dzangu dzose. Asi handina kuunza nyaya kumatare, takangotaurirana zvikapera. Anogara achinditi ndinoita zvechipfambi. Akambondirova achinditi ndakaita chipfambi parufu pandakanga ndangorara zuva rimwe chete.”

Akati murume wake akapihwa mari yepenjeni akadya yose oga.

“Paakapihwa penjeni yake akadya mari yose ega, handina chandakawana ipapo kunze kweyaakandipa achiti ndeye gupuro, $5.

“Dzimwe nguva anogona kuti takangorara pakati pehusiku oti ndabatwa nemweya wehondo ofuma achindirongedzesa mabhegi achiti ndiende kumusha kwedu. Akabva kundimonyonora mutsipa wangu mwedzi wapera nekuda kwekanyaya kasina basa. Zvose izvi zvava kuita kuti ndisava nerugare pamba ndokusaka ndapotera kuno,” akadaro.

Charles akapikisana nemashoko aFarisai achiti akapedzisira kumurova kare uye anorwadziwa nekuchengeteswa kwaakaitwa mwana asiri wake.

“Mukadzi uyu ari kunyepa kuti ndinogara ndichimurova. Nyaya inogara ichindishungurudza ndeyemwana wake ari kumba uko waasingadi kuendesa kuna baba vake. Ndakamuroora aine pamuviri ndichifunga kuti ndepangu.

“Akasvika pakuzvara mwana akakura ndikamuendesa kuchikoro ndichiti ndewangu. Mwana uyu akazotanga kunetsana neni nekundirova ndikashaya kuti zvava kubva kupi kusvika azondiudza oga kuti akanga ava kuda kuenda kumusha kwababa vake achiti ini handisini baba vake. Pari zvino mwana uyu achiriko kumba, ndinogara ndichimuudza kuti ngaamuendese asi haadi kumuendesa,” akadaro Charles.

Charles akati imwe nyaya iri kumunetsa ndeyekuti paaishanda muchiuto akamboenda kuDemocratic Republic of Congo (DRC) nebasa uye paakadzoka mukadzi wake akamuudza kuti akasara achidanana nemunin’ina wake.

“Pandakamubvunza kuti vanga iri raive rabvepi haana kuda kupindura pekutanga. Paakazotanga kutaura neni akandiudza kuti akanga adonha vachibva kubhawa nemunin’ina wangu uyo waakanga ava kudanana naye. Zvose izvi zvinoita kuti ndikazvifunga ndibatwe nehasha dzakawandisa tozopedzisira tanetsana.

“Kumurova ndakapedzisira gore ra1987. Zvekupisa hembe pamwe chete naiye wacho handina kuzviita nekuda, asi kuti ndakaita ndisingadi sezvo ndaiputa fodya ndokusaka asina kana kumhan’ara nyaya yacho,” akadaro Charles.

Mutongi Siwardi akapa Farisai gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey