Akanyemwerera mudare mari yaderedzwa

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

NYAKUCHEMA-CHEMA kuti mari yemendenenzi yaari kubhadhara idzikiswe achiti zvinhu zvakamuomera akabva kudare achinyemwerera zvichitevera kutambirwa kwakaitwa chukumbiro chake apo mari iyi yakaderedzwa kubva pa$180 kuenda pa120.

Farai Nyarambe akaendesa aimbove mudzimai wake, Smolly Mbengo, kuHarare Civil Court achida kuti mari yaaibhadhara idzikiswe kubva pa$180 kuenda pa$100 achiti zvinhu zvava kumuomera sezvo aine mwana ava kuenda kusekondari.

“Changamire, ndine chichemo chekuti mari idzike kuenda pa$100 nekuti zvava kundiremera, ndine mwana ava kusekondari saka mari inodiwa yakati wandei asi mari yandinowana kubasa ichingori iyoyo” akadaro Nyarambe.

“Chimwezve ndechekuti ndiri kubhadhara mari yechikoro nezvose zvinodiwa kuchikoro inova mari isiri pamendenenzi saka handifungidziri kuti ndingange ndiri kumuomesera asi kuti zviitewo uye naiye ngaawanewo chekuita pakuchengetedza vana nekuti iye muberekiwo.”

Mbengo akapokana nechikumbiro ichi achiti: “Baba ava vanoita zinyeke-nyeke, kutozorora zvavo kunge vasingazivi kuti vane mari yemendenenzi inoda kubhadharwa. Pese pavanozoisa mari iyi ndinenge ndatonovasungisa. Anoda kuti mari idzike asi anotonyatsozviziva kuti mari yaari kutondipa haisi kukwana. Mwana mukuru ane dambudziko remudumbu zvekuti anotorutsa ropa anogara achida kurapiswa uye mudiki wacho ave kuda kuendawo kuchikoro asi handina kutotsvaga nzvimbo nekuti pandakamuudza akabva anditi enda undopiwa mari yacho na‘magistrate’. Mari yandinowana pandinobata-bata ndinoishandisa kuvana asi iye haazvioni.”

Mutongi T Nyatsanza akagura kuti mari yemendenenzi yaibhadharwa naNyarambe idzike kuenda pa$120.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey