Akaponda sekuru kuti adanane naambuya

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Akaponda sekuru kuti adanane naambuya

Kwayedza

MAPURISA ekuMarondera ari kuferefeta mhosva yemurume anonzi akaponda sekuru vake nechinangwa chekuti asare achinyatsosasana nemudzimai wavo.

Sekuru vekupondwa ava vanonzi vainge vambotsiura muzukuru wavo uyu kuti aidanana naambuya vake.

Munyaya yakaitika svondo rapera pamberi iyi, VaPatrick Phillimon (53) vemubhuku raMunamba, kwaMambo Mangwende kwaMurehwa, vanonzi vakapondwa kumafuro uko vaifudza mombe nemuzukuru wavo, Tapfumaneyi Alitinari (39).

Alitinari akatosungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi.

Alitinari, uyo anobva kupurazi reDoseti, kwaMurehwa, anonzi pakubvunzwa nemapurisa akabvuma kuti akaponda sekuru vake nekuda kwegakava raiva pakati pavo kwenguva refu rekuti aidanana nemudzimai wavo anonzi Mercy Chitemerere.

Musungwa uyu anonzi akaudza mapurisa kuti aidanana nemudzimai wemufi zvakakonzera kuti aponde sekuru vake kuitira kuti awane mukana wekunyatsodanana naambuya vake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti Alitinar akabuda pachena kuti akaponda sekuru vake achivarova mumusoro nesimbi yaiva yakapinza.

Mushakabvu anonzi akabva pamba naChristopher Kaundani (24) nenguva dza7 mangwanani achienda kupurazi reKent uko vaishanda vose vachiita basa rekufudza mombe.

Insp Muzondo vanoti nenguva dza12 masikati, Kaundani, uyo akambenge apesana nemuchakabvu, akazosangana naCharakupa Kanyai Musekiwa uyo aitsvaga mvura yekunwa patsime raiva pedyo.

Zvinonzi Musekiwa akaudza Kaundani kuti akange aona mutumbi waVaPhillimon musango. Vaviri ava vanonzi vakazoenda vose kunoona mutumbi uyu ndokuzonozivisa muridzi wepurazi reKent, Berin Stolkhill, uyo akazomhan’ara kumapurisa.

Mutumbi wemushakabvu wakawanikwa uine maronda akawanda akadzika mumusoro.

Inspector Muzondo vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya yekutora mutemo vachiisa muhomwe dzavo uyewo kuti varemekedze upenyu hwevamwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey