Akapondwa paGoredzva

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuponda munhu waakange achiedza kurandutsira kuti asarove mumwe waaifungira kuti akange achidanana nemudzimai wake.

Patson Kachomba (35) wepanhamba 561 St Mary’s ari kupomerwa kuponda Marvelous Dinhidza pazuva reGoredzva musi wa1 Ndira gore rino.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Tafadzwa Miti, akanyima Kachomba bhera ndokuti anofanira kumbira kubva kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi Joyce Fusire akaudza dare kuti nemusi wa1 Ndira gore rino, Dinhidza akaenda kuHuruyadzo Shopping Centre, kuSt Mary’s kwekare, achinotsvaga mumwe munhu uyo aifungira kuti akange ari kudanana nemudzimai wake. Panonzi pakamuka kusanzwanana pakati pemushakabvu nemumwe munhu uyo aipomera mhosva yekutora mudzimai wake izvo zvakaita kuti Kachomba ange achipindira kwave kumutorera kademo kadiki ako ainge akabata, achibva atangisa kurova Dinhidza zvine simba pahuma achishandisa musoro kanokwana kaviri.

Dinhidza akabva akafa mushure memaawa mashomanana nekuda kwekukuvadzwa kwaakaitwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey