Uncategorized

Akarovera baba kumubira

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuChitungwiza akamiswa mudare redzimhosva reko nemhaka yekutema baba vake nesimbi achivapomera kuti vainge vamubira mari.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, Sharon Rakafa akati Richard Mukuviri (31) wepanhamba 14848 Zengeza 3 adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera apo nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa.

Musungwa uyu akabvisiswa bhero re$100.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa25 Kukadzi gore rino, Richard akapinda mubhedhuru mababa vake, Rodrick Mukuviri, achibva atanga kuvapomera mhosva yekuti vainge vaba mari yake.

Panonzi pakabva pamuka gakava pakati pevaviri ava izvo zvakaita kuti Richard agumisire ava kutema baba vake nesimbi mumusoro.

Baba ava vakazvimba musoro zvisinei nekuti havana kuzoenda kuchipatara kunorapwa kuti dare riwane magwaro ekwachiremba.

Richard ari kutongwa nemhosva yemhirizhonga (Physical Abuse Section 4 ARW 3(i) of the Domestic Violence Act 5:16).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey