Uncategorized

Akaroverwa nyaya dza’boss’

15 Mar, 2021 - 16:03 0 Views
Akaroverwa nyaya dza’boss’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUMWE musikana webasa akashurwa mare apo akazvambaradzwa nemunhu ainge achida kuona muridzi wemba, iye ndokumuudza kuti “boss” vakanga vasipo vaenda kubasa izvo zvakaita kuti adokerwe azvimba kumeso nekuda kwezvibhakera.

Blessing Muza (22) wekuChinamano Village, kwaSeke ndiye akarova Gladys Gore (17) nyaya yacho ikatozonoperara kumapurisa.
Muchuchisi Cecilia Mashingaidze akaudza dare kuti nemusi wa04 Kukadzi gore rino, Blessing Muza akaenda pamba panoshanda mumhan’ari munguva dzemanheru achibva agogodza pamusuwo.

Gore anonzi akabva aenda pamusuwo apo akabvunzwa kuti vaanoshandira vaivepo here iye ndokupindura achiti ainge asipo aenda kubasa. Izvi zvinonzi hazvina kugutsa Muza uyo akabva atanga kurwisa musikana uyu achimudhonza vhudzi raakarukwa.

Akaenderera mberi nekumurova nezvibhakera kumeso achiti aida kuona vaanoshandira kusvika botso iri razodzimurwa nemumwe muvakidzani anonzi Angeka Jichichi.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti Muza asungwe uye matsamba ekwachiremba akavheneka mumhan’ari akaburitswa mudare seumbowo.

Muza ari kubvuma mhosva yake uye akakumbira ruregerero mudare pamhosva yaakapara iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey