Akasiya mhuri ichikwangwaya

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati haazive kubasa kwemurume wake pamwe nekwaanogara muHarare sezvo akamusiya kumusha achikwangwaya nemhuri. Sarah Nerutonga akataura mashoko aya kuHarare Civil Court apo akaendesa Edmore Zhou achida $150 yekuriritira mhuri yavo.

“Iwe ini ndinoda mari yekuriritira vana, handiti wakangotisiya kumusha uchiti uri kuuya kuguta kuzotsvaga mari pamusoro pazvo haudi kuti ndizive paunogara kana nepaunoshanda,” akadaro Nerutonga. Nerutonga akati Zhou haana chaanobvisa kana kuita maererano nekurarama kwevana sekuti vanogarepi kana kuti vanodyei.

“Ndiri kutochengetwa nehanzvadzi yangu pamwe chete nevana vako. Hapana kana kobiri zvaro raunotumira kuti vana vako vakwanise kurarama, hatina pokugara uye vana havachina chokupfeka,” akadaro.

Zhou akaudza dare kuti haagone kupa Nerutonga mari yaaida sezvo ava neimwe mhuri mudhorobha. Akati anowana $230 pamwedzi woga-woga saka aikwanisa kubvisa $20 yemendenenzi pamwedzi yekuchengeta vana vaviri.

“Handikwanisi kukupa mari yawareva nokuda kwokuti ndine mumwe mudzimai nemwana vanoda kuchengetwa pamwe neyanguwo yandinoshandisawo pachezvangu,” akadaro.

Mutongi Audrey Tarugarira akapa mutongo wekuti Zhou anofanirwa kupa Nerutonga $100 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey