Uncategorized

Akatsondokota kudya $700 yebhizimisi

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MURUME wekunzi akapihwa $700 nehama dzemudzimai wake yekuti vatange bhizimusi asi iye ndokuitsondokota kuidya yose ava kuzvidemba zvichitevera kuendeswa kwaakaitwa kudare redzimhosva nemukadzi wake ava kuda mari yekuchengetwa.

Spiwe Chakauya akamhan’arira Simon Makusha kuHarare Civil Court achida $200 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo.

Akaudza dare kuti murume wake haana hanya nekuchengeta mwana uyu.

“Kubva zvaakatiza kumba, haauye kufonawo achibvunza kuti mwana ari sei. Ndinoda kuti tibatsirane kuchengeta mwana nekuti ini ndoga zviri kundiremera.

“Ndinoita zvekubika pane imwe restaurant ndichitambira $50.

‘‘Saka mari iyoyo haindikwanire kuti ndichengete mwana ndichimuitira zvose zvaanoda pamwe nekumubhadharira mari yekuchikoro,” akadaro Chakauya.

Akati murume wake akapihwa mari nababamukuru vake yekuti atange bhizimusi asi iye ndokutiza achinoidya yose.

“Akapihwa mari $700 nababamukuru vangu akanzi titange bhizimusi kuti tibatsirikane pakuchengeta mhuri asi iye akatitiza akanodya mari yose ini ndikasara ndichitambudzika nemwana. Izvezvi ari kuita zvecross-boarder achinotora matayi emota achitengesa,” akadaro.

Makusha akaudza dare kuti anokwanisa kupa Chakauya $20 pamwedzi nekuti ave nenguva asingashande.

“Pari zvino handisi kushanda. Zvematayi zvaari kutaura ndaitoshandirawo mumwe munhu aindituma, haasi angu. Mari yandinokwanisa i$20,” akadaro Makusha.

Akati ane mumwe mukadzi nemwana mucheche avo vanoda kuchengetwa nekudaro haakwanise kubvisa $200 pamwedzi iri kudiwa naChakauya.

Mutongi Yeukai Dzuda akati Makusha abvise $50 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey