Uncategorized

Akazvikanda mudziva resuweji

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MURUME wechidiki wemumusha weNew Tafara, muHarare, akanozvikanda mudhamu retsvina yemasuweji ndokufiramo apo aimhanya achiti aitiza kurohwa nezvinhu zvaionekwa naiye chete.

Tafadzwa Makwinji (29), uyo aigara panhamba 5091 kuNew Tafara, akanozvikanda mudhamu retsvina yemasuweji, reDonnybrook Sewage Pond, mangwanani emusi weChipiri svondo rino. Murume uyu, uyo anga asina kuroora, aigara nababa vake VaPikishani Nyamupemba nemudzimai wavo mukuru, Violet Mose (51), sezvo amai vake vakasiyana nababa vake kare.

Kwayedza yakasvika nenguva dzemasikati pamadziva etsvina aya mutumbi wake usati waburitswa apo mhomho yevanhu pamwe nemapurisa vaivepo.

Vachitaura, Mai Mose, vanoti vakashamiswa zvikuru nerufu rwemwana wavo sezvo zuva radarika akanga aswera achitonongora chibage pamba nasekuru vake, Hide Nyamupemba.

“Semaitiro ake mazuva ose, abva pamba mangwanani ndisina kumuona ndikati achadzoka. Ndazonzwa kuti awira kuno. Pfungwa dzake dzanga dzakanaka, asingapenge,” vakadaro Mai Mose. Vanoti vakanzwa nevanhu kuti Tafadzwa akabva kumba achimhanya achiti airohwa nezvinhu zvaida kumuuraya.

“Anonzi paabva kumba pane pamba paainochera mvura apo akasvikotaura kuti pane vanhu vanoda kumuuraya. Abva pamba apa, akanohwanda muchimbuzi chepaimwe imba, panhamba 5243 kuNew Tafara, achiti ari kutiza vanhu ava,” vakadaro.

Mai Annah Pamalekani (43), avo vanogara pa5243, vanoti vakashamiswa kuona Tafadzwa achisvika pamba pavo achimhanya ndokuhwanda muchimbuzi. “Nyaya iyi ine maminimini makuru nekuti asvika achiti pane vanhu vanoda kumuuraya uye kuti kumba kwavo vanhu vakanga vasina kurara vachiomberera nekuteketa zita rake kuti afe. Azoti amai vake vainge vafa kuMvurwi kwavanogara pamwe chete nehanzvadzi yake,” vakadaro zuva rafa Tafadzwa.

Tafadzwa anonzi akazobuda muchimbuzi ichi achitiza apo akanosvika pagedhi remadhamu etsvina ndokutaura nevaivapo kuti aiva nenzara. VaMichael Bedia (24), mumwe wevashandi vekanzuru panzvimbo iyi, vanoti Tafadzwa akazofamba achienda kumadhamu uko akazonozvikanda.

“Asvika pano mangwanani achiti ane nzara, tazomubikira tii akanwa, ndipo paazopinda mugedhi ndokusvikozviwidzira mudhamu retsvina achibva any’ura,” vakadaro.

Dhamu resuweji iri ndere kanzuru yeHarare. Mai Ruzinya Mhofu vemunzvimbo iyi vanoti vakashamiswa nezvakaitika. “Mwana uyu tinomuziva ari munhu kwaye, zvaitika izvi kusairirwa mamhepo chaiko,” vakadaro.

Mirriam Chari (29) anotiwo Tafadzwa aisava nenhoroondo yekurwisana nevanhu kana kurasika njere.

Sekuru vaTafadzwa, John Same (24), vanoti havana neremuromo. “Ndaitamba nemuzukuru wangu zvakanaka, asi nyaya yedu yaiva yekudhakwa nedoro reZed neKirango chete. Mbanje taisaputa, kupenga hapana nyaya yakadaro, kana akamugumburisa kubva nezuro hapana,” akadaro John.

Mumwe wemapurisa ekanzuru anochengeta nzvimbo iyi, Lovemore Manengureni, anoti tsaona yakadai iyi ndeye chipiri sezvo gore rapera paine mumwe munhu zvakare akazvikanda mumadhamu aya.

Pakashanyira Kwayedza panzvimbo yetsaona iyi, baba vemuchakabvu VaPikishani Nyamupemba vainzi vainge vanotora mapurisa emumvura kuti vaburitse mutumbi wemwana wavo.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachiyi, vakati vaida nguva yekuti vamboferefeta mafambiro akaita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey