Uncategorized

Akazvisungirira audzwa magaramwoyo

23 Mar, 2022 - 15:03 0 Views
Akazvisungirira audzwa magaramwoyo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekunzvimbo yeTravellers Rest kuGweru anonzi akazviuraya nekuzvisungirira mumuti mushure mekunetsana nemudzimai wake apo akaudzwa magaramwoyo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Shoenyann Caterlang Bones (39) aigara paPlot Number 10 kuTravellers Rest anonzi akazvisungirira mushure mekuudzwa mazwi makobvu nematete nemudzimai wake apo vaipopotedzana.

“Tine nyaya yekuzvisungirira yakaitika nemusi wa20 Kurume gore rino nenguva dza6 mangwanani apo Shoenyann Caterlang Bones (39) anonzi akanetsana nemudzimai wake achibva aramwa kugara pamba ndokuenda kusina aiziva. Anonzi akasiya ataurira ambuya vake, Jessica Bones, kuti akanga ava kuenda kunozviuraya,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvinonzi nenguva dza6 mangwanani ezuva rakatevera, mutumbi waShoenyann wakazowanikwa wakarembera mumuti chinhambwe chemamita makumi matatu kubva pamba pake.

“Mutumbi uyu wakaonekwa nemuzukuru wake, nyaya iyi ichibva yamhan’arwa kumapurisa. Watazoendeswa kuchipatara cheGweru Provincial Hospital kunoongororwa.

“Mukutukana, vanhu vanotaurirana makobvu nematete saka hatizive mukunetsana nemudzimai wake kuti vakaburitsirana mashoko akadii akaita kuti azviuraye,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira veruzhinji kuti kana vatadza kuwirirana vagadzirise nyaya dzavo nenzira kwadzo kwete kusvika pakuzviuraya, kupondana kana kukuvadzana.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise kusawirirana kwavo zvakanaka pasina kudeuka kweropa. Tine vatungamiri munzvimbo dzatinogara vakaita semafundisi, madzishe, masabhuku uyewo nesu mapurisa tine bazi rinodyidzana neruzhinji uko vanhu vanokwanisa kunobatsirwa. Ngatibatsirikei kuti tiyananiswe tigarisane zvine runyararo,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey