Uncategorized

Amai ndimi makaroya baba: Vana

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MUKADZI Wekupomerwa huroyi nevana vemurume wake achinzi ndiye akaita kuti baba vavo varware nepfungwa akazomhan’arira vana ava kudare redzimhosva.Edina Masimbi akamhan’arira Precious naCuthbert Masimbi kuHarare Civil Court achiti vanogara vachimutambudza.

Edina anoti haasisina mufaro nekuda kwemashoko anorwadza aanoudzwa nevaviri ava.

Akaudza mutongi wedare iri, Trevor Nyatsanza, kuti: “Vana ava vanogara vachitaura mashoko akaoma kwandiri. Vanonditi handisi amai vavo, uye vakambondirwisa vachindipomera mhosva yekurwarisa baba vavo. Vanonditi ndiri muroyi ndakaroya baba vavo kuti vapenge.

“Vanondirwadzisa nekuti ini handivasarudze, ndinongovabatawo sevana vangu. Zvinondiremera nekuti vanobva vanyatsondiratidza kuti ndiri mutorwa kwavari.”

Precious naCuthbert vakaramba mhosva yavaipomerwa vachiti iyi inzira yekuti amainini vavo vavadzinge pamba.

“Amai ndivo vanotogara vachindituka zvekuti nguva zhinji mukoma Cuthbert vanotondidzora kuti ndisavapindure. Zvavari kutaura ndezvekunyepa, handizvizive,” akadaro Precious.

Mashoko ake akatsinhirwa naCuthbert achiti ivo ndivo vangadai vakatotanga kuenda kudare nekuda kwekushungurudzwa kwavanoitwa naEdina.

“Amai ndinoona vangori nechinangwa chekutibvisa pamba kuti vasare vachigara zvavo voga, kwete kuti tinovatuka. Vanogara vachiudza Precious mashoko asingaite, ini ndiripo.

“Hatina zvedu kutouya kudare nguva yacho nekuti takanga tisingazvizive, tingadai tiri isu tatovamisa pamberi pedare rino,” akadaro.

Mutongi Nyatsanza akapa Edina gwaro rerunyararo ndokuti vatatu ava vagadzirise zviri kunetsa pasina bongozozo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey