Uncategorized

Amai vobatsira vanotambura

03 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Amai vobatsira vanotambura Amai Auxillia Mnangagwa

Kwayedza

Tendai Rupapa
NYAYA dzevanhukadzi vanoita basa rekutengesa miviri yavo dzinogona kuderera kana vakatambira zvirongwa zvekupa madzimai masimba mune zveupfumi izvo zviri kuvambwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa munyika yose nechinangwa chekuti vakwanise kuzviraramira pamwe nemhuri dzavo uye kuve neutano hwakanaka.

Kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation, Amai Mnangagwa vari kubatsira vanotambura nenzira dzakasiyana dzinosanganisira kuvapa chikafu, kuyamura munyaya dzefundo neutano.

Mushure mekuita ongororo yezvinodiwa munharaunda nevanotambura, Amai Mnangagwa vanotanga mabhindauko anovapa raramo senzira yekuti vakwanise kuwana pundutso muupenyu hwavo.
Kusvika pari zvino, zvirongwa zvavo zvaona zviuru nezviuru zvevanhu vanotambura vekumaruwa nemumadhorobha vachibatsirwa nechikafu nezvimwe.

Vanhukadzi vanoita basa rekutengesa miviri yavo vari kubatsirwa zvakare kuti vatange mabhindauko anovararamisa nenzira dzakajeka.

Amai Mnangagwa, vanoti hazvina kunaka kuti vanhukadzi vaite mabasa ekutengesa miviri yavo asi kuti vanofanirwa kutsvaga mabhindauko ekuita.

Nguva yadarika, vakabatsira vanhukadzi vekumaruwa ekwaSeke vaiita mabasa ekutengesa miviri yavo kuti vatange mabhindauko anosanganisira kurima, kupfuya huku nekubika sipo.

Vanhukadzi ava vachatangawo mabasa ekurima zvichitevera kubatsirwa kwavakaitwa naAmai Mnangagwa kuti vawane minda nekuita mamwe mabhindauko kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation.

Pane chibhorani chakatocherwa panzvimbo iyi. Kunyangwe vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri vakabatsirwa zvakare kuburikidza nezvirongwa zvemhando iyi zvinosanganisira kusona, kubika zvekudya nekubika sipo vachitengesa.

Nguva pfupi yadarika, Amai Mnangagwa vaive kuChivhu uko vakapa mazano kuvanhukadzi vaiita mabasa ekutengesa miviri yavo kuti vatange mabhindauko anosanganisira kurima.
Vakakurudzirawo vanhukadzi nevamwe vaive pagungano iri kuti vatambire chirongwa chePfumvudza icho chakananga kuona kuti mhuri dzawana chikafu chinokwana.

Mumashoko avakaverengerwa naDr Mandas Marikanda, avo vanove chamangwiza weZimbabwe Women’s Bank apo vaiita hurukuro nevanhukadzi (single mothers), Amai Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi varime mbesa diki nechinangwa chekuti mhuri dzavo dziwane chikafu chinovaka muviri.

“Ndauya kuno zvichitevera kuudzwa kwandakaitwa kuti vanhukadzi vakawanda vairarama kuburikidza nenzira dzisina kunaka vakazvipira kusiyana nemabasa aya votanga mabhindauko anoraramisa mhuri dzavo,” vanodaro.

“Sevanhukadzi, munofanirwa kuve nehushingi moshanda nesimba kuti muwane chikafu chemhuri. Ngatitambirei chirongwa chePfumvudza icho chine chinangwa chekupedza nzara, zvikuru kumaruwa. Izvi zvinobatsira kuti muve nechikafu chinokwanirana nemhuri.

“Ndinokukurudziraiwo kuti murime mbesa diki kuitira kuti muwane chikafu chinovaka muviri chevana venyu.”

Amai Mnangagwa vakaparura zvakare mabhindauko akasiyana nedonzvo rekubatsira vanhukadzi ava.
“SaPatron weAngel of Hope Foundation, ndauya nemabhindauko matsva anogona kukubatsirai,” vanodaro.

“Mamwe emabasa aya anosanganisira kubika chingwa nezvimwe, kubika sipo nemafuta ekuzora. Ndinovimba muchatambira ruzivo rwandiri kukupai morwushandisa kushandura upenyu hwenyu.”
Amai Mnangagwa vanoti hazvina kunaka kuti vanhukadzi vabvise pamuviri nekuti zvine njodzi yekukonzera ndufu kana zvirwere zvegomarara.

Vakapa midziyo yekushandisa kubikisa chingwa, furawa, chip frier nembatatisi kuvanhukadzi ava kuti vatange mabhindauko.

Gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland East, Cde Aplonia Munzverengwi, vanotenda Amai Mnangagwa nekubatsira vanotambura mudunhu iri.

Mumiriri weChikomba West mudare reNational Assembly Dr John Mangwiro, vanove zvakare mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vanotendawo Amai Mnangagwa nebasa guru ravari kuita rekubatsira vanoshaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey