‘Anoda kumitiswa nemurume wangu’

05 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
‘Anoda kumitiswa nemurume wangu’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kushungurudzwa nemukadzi anodanana nemurume wake uyo waanoti anoda kumuzvarira mwana sezvo iye asati abara.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court uko Rebecca Sonali aendesa Sarafina Makota achiti ari kumunyepera kuti anodanana nemurume wake.

“Handidanane nemurume wavo asi kuti ndakasangana naye pasowe randinonamata achitaura nevamwe vandinonamata navo ndokubva ndatanga kutaurawo navo ivo ndokundipomera mhosva. Iko zvino vari kuti vanoda kunokora tsoka dzangu kuti ndizotevera pasina magumo,” anodaro.

Sonali anoti Makota paakapihwa magwaro emasaminisi ekuti auye kudare, akatanga kupopota achiti anoda “kumuny’udza”.

Achipawo divi rake, Makota anopikisa achiti Sonali anodanana nemurume wake uye akatombovabatikidza mumotokari yake.

“Ndakavawanikidza mumotokari, apo ndakavabvunza havana kuramba murume wangu ndokuvimbisa kuti haaizotaura futi nemukadzi uyu,” anodaro Makota.

“Mukadzi uyu ndiye ari kundishungurudza nekuti anoramba achimanikidzira rudo kumurume wangu achiti anokwanisa kumuitira mwana sezvo ini ndisati ndabara mwana kubvira patakaroorana. Mapurisa ambozama kugadzirisa nyaya iyi asi anoramba achindishungurudza, anotouya kumba kwangu neshamwari dzake kuzondisvotesa,” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira varasa chikumbiro chaSonali chegwaro redziviriro vachiti haana kukwanisa kuburitsa pachena kuti ari kushungurudzwa nenzira ipi naMakota.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey