Uncategorized

Anoda kuzvisungirira pabasa

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema

MUKADZI wekurambwa nemurume anonzi ave kuenda kubasa kwake achida kunozvisungirira achiti hapasisina chikonzero chaachararamira sezvo akarwadziswa nekukandwa tsaga. Claperson Chaitezvi akamhan’arira aimbove mukadzi wake, Ellah Dombo, kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.“Mambo wangu, ndauyawo kudare kuno nekuti kumba hakuna kumira zvakanaka. Mukadzi uyu ndakamuramba mushure mekunge tatadza kuwirirana. Chave kushupa ndechekuti anouya kubasa kwangu achida kuzviuraya, hanzi wakandirwadzisa saka ndichararamirei pasi pano,” akadaro Chaitezvi.

Chaitezvi akaenderera mberi achiti Dombo ane tsika yekuenda achinosiya mwana achiri kuyamwa pamba pake.

“Chimwe chiri kunditambudza ndechekuti anogara achingouya achisvikosiya mwana ari kuyamwa pamba pangu. Hamheno kuti anenge achida kuti ndimuyamwise sei ini ndiri murume,” akadaro Chaitezvi.

“Ndinotukwa kunge mwana mudiki zvekuti vandinoshanda navo nekwandinogara vave kutondinzwira tsitsi. Mumugwagwa akandiona anenge achingondituka handizive kuti ndiye atanga kurambwa here.”

Dombo haana kuenda kudare kuti apewo divi rake panyaya iyi.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Chaitezvi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey