Anodzipira amai nyama

25 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
MWANAKOMANA wekugara achishungurudza amai vake kuburikidza nekuvadzipa pahuro kana vachinge vamupakurira nyama shoma panguva yekudya akazoendeswa kudare redzimhosva.

Theresa January akamhan’arira mwanakomana wake, Wonder January, achiti ari kumuonesa pfumvu nekumushungurudza nekudaro anoda gwaro redziviriro.

“Mwana wangu anondishungurdza zvikuru apa irovha randiri kutochengetawo, anonetsa kana vazukuru vangu. Kana ndikatenga chikafu chevana anouya achindibvunza kuti changu chiripi. Ndikangomuudza kuti hapana anobva atora chevana.

“Pakutora kwacho anoita zveganyabvu chaizvo. Ndikamuti atengewo kana hupfu haatombodi nemari yake, kana aibata anotanga kundivhairira,” akadaro Theresa.

Akaudza mutongi wedare Marehwanazvo Gofa kuti Wonder kana afunga zvekumupa mari yemuriwo anomupa $1 chete asi akapakurirwa nyama shoma anobva atsamwa achiti anoda kudzoserwa mari yake.

“Kana ndikamuisira nyama shoma anobva atsamwa achinditi ndidzoserei mari achindibata huro. Anoita basa rekurova hanzvadzi dzake apa achinditorera mari yangu yandinenge ndapihwa nemaroja zveganyabvu futi.”

Wonder haana kuramba mashoko ose akataurwa naamai vake uye akavakumbira ruregerero pamberi pedare.

Mutongi Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Theresa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey