Uncategorized

Anofamba ari musvo

17 Apr, 2019 - 13:04 0 Views

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI wekuWaterfalls, muHarare, anoti murume wake anoita katsika kekufamba ari musvo mumba mune vana vavo achimutuka zvinyadzi.

Shivvon Mutembedza akamhan’arira Brian Masiiwa kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Tinogara pamba pamwe chete asi ndiri kuda kuti amiswe kusvika pamba apa nekuti anofamba asina kupfeka mumba mune vana,” anodaro.

Mutembedza anoti zvakare Masiiwa anomutuka mashoko asina kunaka pamberi pevana.

“Anondituka zvinyadzi nemamwe mashoko asiriwo pamberi pevana uyezve haakwanise kuvariritira vana vacho,” anodaro. Masiiwa haana kuuya kudare kuti azopawo divi rake.

Mutongi Noel Gwatidzo akapa Mutembedza gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey