Uncategorized

Anoisira mukadzi zvinovava mumbatya

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema

MUMWE mukadzi anoti murume wake ane katsika kekuisa huriri kana kuti hunye hunovava muzvipfeko zvake zvemukati nedzimwe nhumbi kuitira kuti avaviwe kana achinge azvipfeka uye akamudzinga pamusha. Jessie Simon akataurira dare reHarare Civil Court kuti ari kuoneswa pfumvu naThomas Gapira nekudaro anoda kudzivirirwa.“Ndauyawo kudare rino ndichitsvaga kubatsirwa. Murume wamunoona uyu anondishungurudza zvisina kana ani akamboona. Anoisa hunye mumbatya dzangu dzose nedzemukati, handizive kuti chii chaanozviitira,” akadaro Simon.

Simon akaenderera mberi achiti akadzingwa pamba nemurume wake ndokutsvaga kumwe kwekugara asi anomutevera achimushungurudza ikoko. Mutongi Gamuchirai Siwardi akabvunza Simon kuti aida kuti dare rimuitire chii iye ndokuti: “Ndoda kuti ndidzoke kumba kwangu ndichengete mhuri. Asi ngaarege tsika yake yekundishungurudza.”

Mutongi Siwardi akapa Simon gwaro redziviriro ndokumuti anokwanisa kudzokera kumurume wake asi vanofanirwa kugara murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey