Uncategorized

Anopumha amai huroyi achivatuka nezvinyadzi

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
AMAI vekugaroshungurudzwa nemwanakomana wavo vachirohwa, kutukirirwa nekupumhwa huroyi vakazoguma vanopotera kudare.

Stella Makauyo akamhan’arira mwana wake Farai Makauyo kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Changamire, ndauya kuno ndichida gwaro redziviriro. Mwana wangu uyu anonditukirira, kundirova nekundipumha huroyi. Anondiudza kuti ndini ndakadya mwana wake akashaika mwedzi mishoma yadarika.

“Anonditukirira nemazwi anonyadzisira ekuti ndikazvitaura muno munoshamiswa. Ini ndini amai vemwana uyu saka ndingagomuroya sei? Pese-pese paanowirwa nedambudziko anondituka achindiudza kuti ndini ndiri kumupa minyama iyoyo asi hazvisirizvo,” akadaro Stella.

“Ndava munhu ave kutogara achityira upenyu hwake zvekuti chero zuva ndinogona kungopondwa. Chinhu chinondirwadza chose kuti ndirohwe nemwana wangu wandakabereka. Saka ndanga ndichikumbirisa kuti mwana uyu asatombosvike zvake pamba pangu nekuti angandiponde,” akadaro Stella.

Farai akapikisana nemashoko akataurwa naamai vake.

“Zvose zvataurwa naamai ava manyepo. Handina kumbobvira ndavatuka kana kuvarova, ndiri kutoshamisika kuti sei vari kunyepa. Ini handigare pamba pavo uye handitombosvikepo. Amai ava vakanetsana nemukadzi wangu apo ndakanga ndambopererwa nebasa ndikauya kuzogara navo.

“Mudzimai wangu aiva nepamuviri saka paakazvara mwana akabva ashaika tikaviga mwana ndichibatsirwa nababa vangu ne$200. Amai vakazouya kwandiri vachinetsa kuti baba vanoda mari yose yavakandipa pakuviga mwana. Hameno kuti zvehuroyi zvavari kundipomera zviri kubva kupi nekuti hapana munhu akambodomwa kuti ndiye akaurayisa mwana,” akadaro Farai.

“Amai vangu vanoita basa rekufamba vachishambadzira kushamwari dzavo kuti ndiri kutambudzika uye kuti ndinotobatsirwa kubhadhara rendi nababa. Vanofarira kushupika kwangu zvekuti ini ndikadawo kuti ndiuyewo kuzogara pamba vanondiudza magaramoyo. Ndakavacherera mugodhi pamba pavo kuti vabatsirikane asi ndiri kutoshamisika kuti zvavari kutaura kuti ndakavarova izvi zviri kubva kupi. Zvinhu zvinondibvisa chimiro kuti ndimisidzane naamai vangu mudare.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Farai asashungurudze amai vake nenzira ipi zvayo uye anobvumidzwa kusvika pamba pevabereki vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey