Anorova amai, nekuvatukirira

15 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
MWANAKOMANA wekugara achirikita pamwe nekutukidzira zvinyadzi amai vake nekuda kwepfuma yenhaka yababa vake akazoendeswa kudare redzimhosva.

Grace Mhuta akamhan’arira George Mhuta kuHarare Civil Court achiti anomushaisa rugare.

“Vakuru vedare, handizivi kuti kushaikirwa nemurume imhosva here. Mwanakomana wangu uyu andishungurudza kubva zvakangoshaya baba vake. Dai zvaibvira dare randipawo gwaro rekuti asuduruke zvake pamba pandakavaka nemurume wangu azvitsvagirawo kwake,” akadaro Grace.

Grace akati George anotengesa zvinhu zvakasiiwa nababa vake, achimutuka nekumurova.

“Akatengesa purazi rakasiiwa nababa vake zvandanga ndisina kumutendera. Akabva akohwa nekutengesa zvirimwa zvangu zvandakarima. Akanditorera imwe nzvimbo yangu kuti iye agogara nevana vake uye anondirova ende haandione saamai vake.

“Paari kugara izvozvi akangozvipa zvisinei nekuti pakanga pari pababa vake pakasiirwa ini amai vake.

“Haana nyadzi dzekundituka nekundirova pamberi pevanhu. Anondituka nezvese zvaada zvisinei nekuti zvinonyadzisira here kana kuti kwete,” akadaro Grace.

George akaudza dare kuti hazviite kuti abve pamba paari kugara sezvo pari pababa vake.

“Ini ndinopikisana nemashoko ari kutaurwa naamai vangu. Uyu musha wababa vangu, handingarege amai vachitengesa musha ndakatarisa. Handibvumirane nazvo zvachose.

“Amai vangu handina kumbobvira ndavarova asi kuti tinombotaurirana mashoko ekusawirirana nenyaya yekunetsana kwatinomboita maererano nepamba. “Nzvimbo yandakatora kuti ndigare nemhuri yangu ndakatya kuti amai vangatengese sezvo vaida kutengesera vamwe vanhu vaviri musha wedu asi zvakazoramba mushure mekunge ndazviziva. Takaenda kuna ishe vemudunhu redu akati endai munogara pasi naamai mutaurirane asi amai vakaramba,” akadaro George.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Grace gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey