Uncategorized

Anorova mwana negogo

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Anorova mwana negogo

Kwayedza

MUKADZI anoshanda semurairidzi akamiswa mudare redzimhosva reChitungwiza Magistrates’ Courts nemhosva yekushungurudza mwanasikana wake ane makore 15 ekuberekwa uyo waanorova nezvombo zvakasiyana uye kumunyima zvekudya.Gladys Tswande (37), uyo anodzidzisa paFungisai Primary School achigara panhamba 1535 Unit A, kuChitungwiza, ari kupomerwa kushungurudza mwanasikana wake ari muForm 1 pachimwe chikoro cheko.

Gladys akamhan’arirwa kudare iri naamai vake, Rosa Tswande (55), avo vanogara panhamba 563 Mutsanai Road, kuSt Mary’s.

Muchuchusi Tatenda Mukatera akaudza dare kuti muzuva risingachazivikanwe nedare, Gladys akarova mwana uyu pasina zvikonzero achimunyima zvekudya achiti baba vake havasi kumubhadharira mari yemendenenzi.

Anoti rimwe zuva zvakare, Gladys akarova mwanasikana uyu pamhanza neshangu yegogo zvikaita kuti akuvare zvekuendeswa kuchipatara.

Mumwedzi waNyamavhuvhu 2015, Gladys anonzi akambororova mwana mumwe chete uyu nemugoti kumeso nemumusoro achimupomera mhosva yekunonoka kudzoka kuchikoro.

Nomusi wa7 Gunyana gore rino munguva dzemangwanani, Gladys anonzi akakiyira mwanasikana uyu panze asina chikafu izvo zvakaita kuti asvike pakuenda netsoka kunotsvaga chokudya kwatete vake kuZengeza 4.

Gladys anonzi anotaura mashoko anoshungurudza mwana uyu sekuti iyewo akatoroorwawo nemurume wake, saka vanofanirwa kuita zvijana sevari pabarika pamurume iyeye.

Pane dzimwe nguva mwana uyu anonzi anotaurira ambuya vake pamusoro pemabatirwo aanoitwa naamai vake asi pamwe pacho anonyarara.

Nomusi wa10 Gunyana gore rino, mwana uyu akaudza ambuya vake nezve kushungurudzwa kwaari kuitwa zvikaita kuti vamhan’are nyaya iyi kumapurisa.

Mwana uyu akavhenekwa nemachiremba uye magwaro acho ari kushandiswa mudare seumboo.

Gladys ari kuramba mhosva yaari kupomerwa achiti amai vake vane daka naye, iro rave nemakore.

Mutongi Nyasha Marufu anoti nyaya iyi ichaenderera mberi zvakare munguva inotevera apo vakafakazi vachapupura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey