Uncategorized

‘Apa ndange Ndakacherera Us$200 000 pasi’

28 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Apa ndange  Ndakacherera  Us$200 000 pasi’ Innocent Chakanyuka achiratidza paanoti akacherera US$200 000 yake.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara mumusha weKuwadzana 7, muHarare, uyo aimboita zvemigodhi, ava kudya nhoko dzezvironda asi iye akafushira mari inosvika US$200 000 — ehe maUS$ — pasi pemba yevabereki vake senzira yekuichengetedza.

Zvino murume uyu ave kuda kutiginura imba iyi nepavhuranda kuti atore mazimari ake ayo ari mupfimbi inova nyaya yave kukonzera kusawirirana kwake nevemhuri avo vari kutyira kuti zvaava kuita zvinogona kuita kuti imba yakapera kuvakwa iyi idhirike.

Sezvineiwo, nemusi weMuvhuro svondo rino, Hurumende yakaisa mutemo unorambidza kutenga kana kutengesa zvinhu muZimbabwe nemari yekunze,  kusanganisira American dollar.

Kureva kuti mari yakachengetwa nemurume uyu muvhu haichakwanisa kutenga muZimbabwe.

Imba yave kutiginurwa huriri hwayo naInnocent Chakanyuka (35) achiti anoda kutora mari yake iri panhamba 5779/171 Street, muKuwadzana 7.

Innocent ari kuti akamboita mari yakawanda zvikuru apo aiita basa rechikorokoza achichera goridhe achiritengesa, izvo zvakamutuma kuchera pfimbi pava nemba yevabereki vake, ndokufushira US$200 000 senzira yekuichengetedza.

Anoti sezvo nhamo yava kumutamba tsvina, ava kuda kutiginura simende yepavhuranda remba yevabereki vake iyi apo akafushira mari iri pakati peUS$180 000 neUS$200 000 iri mumapurasitiki.

Nemusi weChina svondo rapera, Innocent aitoedza kutigunura pavhuranda apa ndokuzodziviswa nehama dzake dzinosanganisira mumwe muzukuru wake.

Innocent aida kuchera nzvimbo yaanoti ine mazimari ake apo aive neshamwari dzake idzo dziri kutsinhira kuti akaviga mari yake ipapo.

Amai vaInnocent — Mbuya Maudy Chakanyuka (70) — vanoramba kuti mwana wavo akacherera mari pavhuranda remba yavo vachiti muchinda uyu anokurirwa nekuputa mbanje nekutora zvimwe zvinodhaka izvo zviri kumukanganisa njere.

Innocent anoti akachera pavhuranda remba iyi mugore ra2009, ndokuviga mari inosvika US$200 000 achibva azovhara nesimende achiitira kuti vanhu vasaone kuti panzvimbo iyi paiva paiswa upfumi hwakawanda kudai.

“Ndakamboita mari yaityisa nekuda kwemigodhi yangu yegoridhe, ndikabatsira vanhu vakawanda. Ndakatora jack hammer ndokuboora buri rakadzika pakongireti yepavhuranda apa. Ndakatora mari ingangokwana US$180 000 kusvika US$200 000 ndokuisamo, ndichibva ndafushira nesimende.

“Iyi yaiva nzira yekuchengetedza mari iyi sezvo ndaityira kuti kubhengi vaizondibvunza kuti ndainge ndaiwana kupi uyewo ndaisada kuti hama dzangu nevamwe vazive nyaya iyi,” anodaro. Innocent anoti

imwe yemari yake yakashandiswa kupedzisa kuvaka imba yevabereki vake iyo aichengetesa kuhanzvadzi yake nemukuwasha.

Mari yaanoti akapa kuhanzvadzi yake kuti vapedzise kuvaka imba yevabereki vake anoti inokwana US$15 000.

“Ndine vemakombi vakawanda avo vandakabatsira nemari nevamwe vemakambani, asi nhasi ndava kutambura, kuita rombe. Amai nababa vangu ndakavapa US$20 000 vakagovana US$10 000.

“Dambudziko randava naro nderekuti ndikada kuchera panzvimbo pandakaisa mari iyi sezvo pari pavhuranda, hama dzangu dzinondirambidza uyewo hapana ari kubvuma kuti chokwadi ndakafushira mari iyi apa. Vaida here kuti ndinoisa mari iyi musango?,” anodaro.

Innocent anoti mari iyi akaicherera muvhu aine aimbova mudzimai wake – Maseline Zuze – uyo waakazorambana naye.

“Ndaichera goridhe kuRaffingora nekumwe ndichitova nevashandi vangu nemichina yebasa,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Ndaona kuti kune zvaiitika nekuda kwegodo rebhizimisi rangu kubva kuhama, ndakazochera zvakare rimwe gomba kuseri kwemba uko ndakafushira pasi matsamba angu emigodhi ari mugaba. Ndiri kuda zvakare kuzvifukunura asi vanhu vari kundirambidza. Vanotondisungisa nemapurisa vachiti ndinoda kudhiritsa imba.”

Kwayedza yakaona gwaro renyaya yakaendeswa kumapurisa nemusi weChipiri svondo rakapera rine nhamba dzekumhan’arwa kwemhosva dzinoti RRB3992388 apo Innocent akamhan’arirwa kumapurisa eZRP Kuwadzana achinzi ari kuda kupaza imba.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanoti vanoda nguva yekuongorora nyaya iyi kuti iri kumbofamba sei.

Innocent anoti hama dzake dzinomufungira kuti anorwara nepfungwa izvo zvaanoti handizvo.

“Vanofunga kuti ndiri kupenga, asi handizvo. Ngavarege ndifukunure nzvimbo iyi nditore mari yangu irimo, toishandisa tose. Iye zvino ndinoita basa rekugeza mota dzevanhu ndichipihwa $3 pamota asi ini ndiine makutukutu emari yandakaviga muvhu,” anodaro.

Hama dzaInnocent dzinonzi dzakatombomuendesa kuchipatara kuti anoongorwa pfungwa dzake ndokuwanikwa aine dzakati kwesere.

Mbuya Chakanyuka — avo vanova shirikadzi mushure mekushaikirwa nemurume wavo VaRodrick Chakanyuka mugore ra2017 — vanotsinhira kuti mwanakomana wavo anova gotwe anoda kudhiritsa imba nekutiginura huriri achiti anoda kutora mari yake.

“Ndine vana 7 vapenyu, vatatu vakafa, uyu Innocent andinetsa ndiye gotwe. Takavaka imba ino mugore ra1985 apo taigara kupurazi reBarikiza, kuDomboshava, ndokuzotanga kugara pano mugore ra1988. Zvose zvaanotaura kuti akacherera mari pavhuranda apa kunyepa, imbanje neBhurongo nemapiritsi ekudhakwa zvavanonwa nevamwe vake,” vanodaro. Mbuya Chakanyuka vanoramba nyaya yekuti vakapihwa US$20 000 naInnocent vakagovana nemurume wavo.

“Anotaura kuti akatipa US$20 000 kupiko? Hapana zvakadaro. Izvozvi akatochera pavharanda nepiki achiti anoda kutora mari yake, asi isu hatizvizive. Mari yaanoti akaita kupi? Hamheno kwaakaitira,” vanodaro. Vanoti kubva Innocent paa karambana nemudzimai wake, akabva atanga kusagadzikana sezvo achigara achida kurwisana nevamwe.

“Handizive, pamwe kuda nhaka yemba here nekuti baba vake vasati vafa aisadaro. Mapurisa vakati kudheerera, takazoenda naye kunoongororwa pfungwa zvikanzi haapenge,” vanodaro Mbuya Chakanyuka.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mukomana uyu andinetsa, dai amboenda kujeri chaiko ndifurwe nemhepo. Anoba zvinhu achitengesa zvinosanganisira ndiro nemapoto, tv akapwanya akatengesa firiji, migomo chaiyo anotora achitengesa.

“Akabazve metiresi yevana vake akaitengesa ndokupisa mumwe mubhedha nemagumbeze.”

Pakasvika Kwayedza pamba apa, Innocent nemukoma wake, Leo Chakanyuka, vaichema-chema nenzara apo vaikumbira kutengerwa chingwa naamai vavo.

“Mukuru wacho uyu (Leo) ndinoenda naye kuchechi uko ari kubatsirwa sezvo akangawo ava kuita seaida kurasa pfungwa. Ndine mumwe mwana akafa uyo aisvikirwa nemudzimu, saka ndine dambudziko pano,” vanodaro Mbuya Chakanyuka.

Christopher Musana (40), uyo anova muzukuru wemhuri yekwaChakanyuka, anotsinhira kuti Innocent akamboita mari yakawanda zvikuru asi haazive kuti aiita basa rei.

“Sekuru vakamboita mari zvikuru, asi zvekuti vakacherera imwe pasi pevhuranda handizvizive. Vanogara vachirohwa pano nekuda kwenyaya yekuti vanoda kutiginura huriri hwepavhuranda nekusungiswa nemapurisa,” anodaro.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey