Uncategorized

Apondwa nebenzi pakati peguta

24 Mar, 2022 - 17:03 0 Views
Apondwa nebenzi pakati peguta Insp Luckmore Chakanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI aizvifambira pakati peguta reHarare anonzi akatemwa nechidhinha nemurume anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa ndokukuvara zvakanyanya zvikaita kuti aendeswe kuchipatara cheSally Mugabe Central Hospital uko akanofira.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Julius Chakanza, vanoti Nyika Alfa (47) aibva kuStoneridge muguta reHarare ndiye akasangana netsekwende iyi.

“Mudzimai uyu anonzi akabva kumba nemusi wa18 Kurume ndokupinda muguta reHarare nenguva dza12:45 masikati. Apo aidarika mugwagwa panosangana Jason Moyo Avenue naMbuya Nehanda Street, mumwe murume anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa akabva atanga kumutevera akabata chidhinha achishevedzera kuti ‘ndinokuuraya,'” vanodaro Insp Chakanza.

Vanoti mudzimai uyu akaona kuti painge pasina kumira zvakanaka ndokuedza kutiza asi akabva angotemwa mumusoro nechidhinha achibva apunzika pasi.

Mushakabvu uyu anonzi aida kunotora girosari nemari zvainge zvatumirwa nemwana wake kubva kuSouth Africa pachitoro chinonzi Malaicha Shop chiri mumugwagwa waMbuya Nehanda.

Anonzi akazonunurwa neveruzhinji apo murume uyu aida kumupedzisa nekumutema paaive awira pasi.

“Mudzimai uyu akazomhan’ara mhosva yekurohwa pakamba yemapurisa yeHarare Central akapihwa gwaro rekuti anorapwa ndokuzodarikira kuchipatara cheSally Mugabe. Nemusi wa19 Kurume, mudzimai uyu akagara muchipatara ichi achirapwa,” vanodaro.

Anonzi kuchipatara uku akaperekedzwa nemwanakomana wake anonzi Vincent.

“Mwanakomana uyu akazodzokera kuchipatara uku nemusi wa20 Kurume apo akasvikowana amai vake vashaika. Inyaya inosuwisa zvikuru yakaitika kuna amai ava,” vanodaro Insp Chakanza.

Vanoyambira veruzhinji kuti vagare kana kufambira kure nevanhu vanoratidza kuti vanorwara nepfungwa.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vasajairane nevanhu vanoratidza kuti vanorwara nepfungwa uye vofambira kana kugara kure navo. Kune vamwe vanoda kupota vachitambidza vanhu vakadai chingave chikafu kana zvimwe zvinhu, tinokurudzira kuti vasadaro nekuti havazive zvavanoita – zvikuru vaye vanoratidza kuva nehasha,” vanodaro Insp Chakanza.

Vanokurudzirawo vanogara nevanhu vanorwara nepfungwa kuti vapote vachienda navo kunotora mishonga yavo uye voona kuti vagara pamba nguva dzose.

“Varwere vepfungwa vanoda kugara vachipihwa mishonga yavo nguva nenguva, hurwere hwavo hunoda kuti vapote vachibatsirwa.”

Zvakadai, mutumbi wemudzimai uyu wakazoradzikwa kumakuva eZororo Memorial Park padyo neChitungwiza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey