‘Ari kuramba kurambwa neni’

12 Oct, 2023 - 20:10 0 Views
‘Ari kuramba kurambwa neni’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti haasi kuwana nguva yekurara husiku nekuda kwemurume waakambodanana naye uyo ari kuramba kurambwa sezvo achiuya achigugudza pagonhi remba yake pamwe nekumutukirira zvinyadzi.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court apo Chipo Chitsungo amhan’arira Adolph Kamushu achiti ari kumushungurudza zvakanyanya.

“Murume uyu ndaimbodanana naye zvikapera. Zvino dambudziko ravepo nderekuti anouya pakati pehusiku otanga kugugudza pagonhi achiita ruzha pamwe nekunditukirira zvekutoti tave kutotadza kurara husiku,” anodaro Chitsungo.

“Pamwe pacho ndikasangana naye munzira anondituka uye oda kundirwisa ndotozotiza kana kununurwa nevanhu. Ini handichadi nezvake nekudaro ngaasiyane neni. Apo taigarisana aindirova pamberi pevana saka ndakaona zvisina chimiro chakanaka,” anodaro.

Achipawo divi rake, Kamushu anoti zvose zviri kutaurwa naChitsungo ndezvemanyepo.

“Mudzimai uyu handisisina chekuita naye, chandiri kuda imbatya dzangu dziri kumba kwake chete,” anodaro.

Mutongi Mandlenkosi Ndlovu vapa Chitsungo gwaro redziviriro ndokuti Kamushu anofanira kutuma mumwe munhu kunotora mbatya dzake kumba kwaChitsungo kwete kuti aende ari iye.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey