Uncategorized

Aya mashura: Zinatha

23 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAKAFANOBATA chigaro chemutungamiri wesangano ren’anga, reZinatha, VaGeorge Kandiyero vanoti kubva kare-kare nyaya yakafanana neyekasvava kekumera mazamu kaine svondo rimwe chete rekuberekwa yaitounganidzirwa masvikiro nevakuru vematunhu zvichinzi mashura.

“Nyaya yemwana akamera mazamu anogona kunge akashinhirwa nevaroyi. Anogona kunge zvakare ari kuyamwiwa nezvidhoma kana kuti akagadzikwa mweya wengozi yemunhukadzi ane zvaari kurwa mudzinza rakaberekwa mwana uyu,” vakadaro VaKandiyero.

“Zvakafanana nekare painzi mwana aberekwa aine mazino kana kuti mwana aseka achingoberekwa, kwaitofambwa kumasvikiro nekudzin’anga. Kune vamwe vaidarikidza mutemo, vana vakadai ava vaigona kuuraiwa vachinzi vanokonzera kusagadzikana kwezvinhu mudunhu.”

Vakakurudzira vabereki vemwana uyu kuti vafambe naye kuti abatsirwe muchivanhu nguva ichiripo.

N’anga VaPatrick Kapfunde (46), vekuMt Darwin, vanoti nyaya iyi inogona kuenda nepaviri, dzimwe nguva masikirwo emwana uyu akaita kuti amere mazamu akakurisa kana kuti zvine chekuita nehuroyi.

“Pane mukana mukuru wekuti mwana uyu akashinhirwa, kuchitiwo mumabhuku ezveutano machiremba echiRungu vanoti mukana wekuti zvakadai zviitike uripo,” vakadaro.

Mbuya Marita Reid vekuChitungwiza vanotiwo dambudziko rine mwana uyu rinogona kupera kuburikidza nekubatsirwa kuchivanhu kana kuchipatara. Kunogona kunge kuri kuroiwa uye anogona kubatsirwa kuzvipatara sezvo zvichinzi nyaya dzakadai dzinowanikwa apo nyama dzinogona kuzvarwa dzichingoda kututuma. Kana vamwe vanhurume wani vanowanikwa vaine mazamu makuru,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey