‘Baba mune ‘chinhu’’…‘Ndimi mapedza mhuri’

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
NYAYA yekurwira mugodhi wezvicherwa pakati pababa nemwana wavo, apo mubereki uyu aipomerwa kushandisa mishonga yapedza kuuraya hama, yazosvika kumatare edzimhosva. Sabi Ford akaendesa mwana wake Micheal Mapuranga kuHarare Civil Court achiti apfidza nekurohwa pamwe nekutukirirwa.

“Ishe wangu, mwana wangu uyu anondishungurudza zvikuru pamugodhi wangu. Anondituka nekundirova kuti mugodhi uyu hausi wangu uye anochera nechisimba odya mari yacho oga asingandipewo kana kobiri asi mugodhi wacho ndewangu,” akadaro Ford.

Mapuranga akaudza dare kuti baba vake vari kumuvengera nyaya yekuti akavabvunza maererano nemashiripiti anoitika pamugodhi uyu izvo zvaanoti zviri kukonzera kufa kwevanhu mumhuri mavo.

“Changamire, baba vari kundivengera kuti ndakavabvunza pachena nezvechinhu chatinoona pamugodhi watiri kuchera panova ndipo patinogara tose. Chinhu chandiri kureva atori munhu asi haanzwisisike, watinongoerekana taona.
“Ivo baba vakanditi havagone kuti chinhu ichi chibviswe nekuti chakaiswa nemunin’ina wavo akashaya.

‘‘Ndakambovadaidza kuti tifambe kumaporofita nekudzin’anga asi vakaramba saka iko zvino vava kuda kushandisa dare kuti rivadzivirire kubva mukuvabvunza nyaya iyi kwatiri kuita.
“Pagore panofa vanhu vaviri mumhuri saka ini ndiri kuti zvinofanirwa kugadziriswa.

‘‘Baba handina kana basa nemi nekuti muri kurega zvinhu zvichiitika imi muchiziva zvamakaita uye muchiziva kuti zvogadziriswa sei. Kukura kwandakaita kudai zita riri pachitupa harisi ravo, vakaramba kunditoresa ‘birth certificate’ vanoda kutipedza kutiuraya,” akadaro Mapuranga.
Zvisinei, Mapuranga haana kupedzisa kutaura zvaaida nekuti akazoburitswa mudare apo akange ave kupupa furo nehasha achipopota.
Mutongi Ruth Kamanira akati nyaya iyi idzoke zvakare mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey