Baba vanofamba mumba vari musvo vana varimo

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achinzi anomushungurudza kuburikidza nekushinha naye vana vavo vachiona pamwe nekumutukidzira akati mudzimai uyu ipfambi yemakoko uye akamutapurira utachiona hweHIV.

Florence Machinga akamhan’arira murume wake, Simon Chinyoka, kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro achiti anomushaisa rugare nekumurova, kumutuka nekumudzingisa mabasa pese paanenge awana kwekushanda.

“Changamire, ndaikumbirawo kuti mundibatsire ndanzwa nekurohwa nababa ava uye vanondituka zvakapfurikidza. Vakandidzinga pamwe chete nevana pamba vachindipomera kuti ndiri kuita chipfambi zvinova zvinhu zvandisingaite. Vanototi ndiri kushereketa nemwana wedu mukomana ane makore 17 zvinova zvinhu zviri kundibvisa chimiro.

“Vana vedu vese havaende kuchikoro, haabhadhare mari dzechikoro asi kuiwana anoiwana. Ndakambozama kutsvaga mabasa ndichiwana achiuya achizondidzingisa basa kanokwana kana asi ndaiitira vana vake,” akadaro Machinga.

Akati murume wake akamudzinga muimba yekurara zvakare zvekuti pari zvino ave kurara muimba yekutandarira.

“Kana ava kuda kushinha neni, anobuda kubhedhuru asina kupfeka ouya mandinenge ndiri nevana ari musvo zvinova zvinhu zvisina hunhu saka ndinokumbirawo Protection Order ndigarewo zvakanaka,” akadaro Machinga.

Chinyoka akaudza dare kuti ari kuita dambudziko nemudzimai wake kuburikidza nechigumbu chaainacho chekuti akamutapurira utachiona hweHIV.

“Ishe wangu, ndatadza kugara naamai ava, hongu ndiamai vevana vangu asi ndakundikana nekuti anoita zvechipfambi. Iko zvino akandizadza AIDS asi anoramba kuti anoita zvechipfambi saka akaiwanepi?

Kumudzinga ichokwadi kuti ndakamuti achienda handichadi nezvake asi handina pandakambomuti atakure vana saka zvekuti ndakamudzinga nevana handizvo akasarudza kuenda navo ega,” akadaro Chinyoka.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Machinga gwaro redziviriro ndokuti kana Chinyoka asisade mudzimai wake anofanirwa kutevedza gwara rewanano kwete kutora mutemo achiisa mumawoko ake.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey