Baba varova mwana (12) ndokumutyora gumbo

26 Aug, 2022 - 15:08 0 Views
Baba varova mwana (12) ndokumutyora gumbo Atyorwa gumbo

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MURUME wekuNyazura abhadhariswa faindi ye$30 000 mushure mekurova zvekusvika pakutyora gumbo remwanasikana wake ane makore 12 okuberekwa.

Micah Makoni (38) wemumusha waMhukayesango abatwa nemhosva yekurova mwanasikana wake apo aive ashatirwa mushure mekumuona achishandisa chidimbu chemambure ehumhutu (mosquito net) kusukisa ndiro.

Gumbo remwanasikana wake rakatyoka uye rakatoiswa plaster.

Makoni, uyo asina kumiririrwa negweta, akamiswa pamberi pemutongi wedare rekwaRusape, VaGift Manyika, kuNyazura Circuit Court ndokubvuma mhosva yake.

VaManyika vakamubhadharisa $30 000 pamhosva iyi.

Pamusoro pezvo, VaManyika vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi miviri iyo yakazosendekwa parutivi kwemakore mashanu anotevera paine chitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yerudzi urwu.

Muchuchisi, VaInnocent Mwoyowaonda, vanoti Makoni kurova kwaakaita mwana wake akatyora chikamu cheChapter 38 chemutemo wePhysical Abuse Act, Section 3 (1) (a) pamwe neSection (4) yeDomestic Violence Act, Chapter 5:6 iyo inorambidza kuita mhirizhonga kana kukuvadza mumwe munhu.

“Musi wa5 Nyamavhuvhu, Makoni aive kumba kwake nemumhan’ari. Akazoenda paive nemwanasikana wake uyo aisuka ndiro achishandisa chidimbu chemosquito net ndokumubvunza chikonzero kuti sei akanga acheka mosquito net iyi.

“Akamubata ruwoko ndokumudhonzera muimba yekubikira. Akanhonga danda muchoto ndokumurova kakawanda naro kumusana uye kamwe mumusoro.

‘‘Akamurova achimutsikirira gumbo rekuruboshwe. Akatyoka gumbo iri.

“Nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge mapurisa anyeverwa nemumwe mugari wemumusha uyu zvikaita kuti Makoni asungwe,” vanodaro VaMwoyowaonda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey