Uncategorized

Baba vomera ‘ruware’ vapinda nevakadzi 100

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Baba vomera ‘ruware’  vapinda nevakadzi 100

Kwayedza

MURUME wechidiki anogara papurazi reChigomo, kuMt Hampden pedyo neHarare, akatarisana nedambudziko rakaomesesa — rekuti sikarudzi yake inombotsakatika kwenguva refu zvekusara aine “ruware”.Zvisinei, pane dzimwe nguva zvinhu zvinomunakira odzokera pakuita murume kwaye achiti kusvika pari zvino ashinha nevakadzi vanodarika 100.

Muchinda uyu, uyo kumusha anobva kwaMutungagore, kwaMambo Kasekete kuMt Darwin, anoti adarika makore maviri aine dambudziko iri iro rakatanga mushure mekunge ashereketa neimwe pfambi iyo anofungira kuti mudzimai wemunhu.

Kudzai Chihota (31), uyo anonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Joko Joko, anoti akashinha nemukadzi uyu kunzvimbo yeKitsiyatota, kuBindura, makore maviri adarika.

Mushure mekuita izvi, Joko Joko anoti sikarudzi yake yakabva yanyangarika kwesvondo rose zvekusara ava neruware uye yakatozodzoka ashandirwa neimwe n’anga yekuBindura ikoko.

Kubva ipapa, anoti anomera ruware asi dzimwe nguva zvichimbopera, osara ave baba kwavo.

Joko Joko anoti chinomushamisa ndechekuti kana achisasana nemukadzi wake, Precious Chapinduka (25), hapana chaanoona, zvinhu zvose zvinenge zvakanaka.

Kudzai ‘Joko Joko’ Chihota

Kudzai ‘Joko Joko’ Chihota

Kuzongobuda kunze bedzi, “chinobva chachaya” osara yangova “hapana hapana”

Zvisinei, anoti Chapinduka haana chekuita nedambudziko rake sezvo rakatanga vasati vave kugara vose.

Murume uyu, uyo anoshandira pane imwe kambani inotengesa zvidhina, anoti haachakwanisa kushanda zvakanaka nekuda kwedambudziko iri uye ari kukumbira rubatsiro kubva kune veruzhinji.

“Ndava nenguva ndakadai mufunge. Izvozvi svondo rapera ndakangoti regaiwo ndimbofara nemumwe mukadzi wandakangoona mubhawa ndokuenda naye kumba kweshamwari yangu kwaMandebvu. Ndakazoona makuseni ndangova munhu bedzi, ndisina chandinacho apo ndaida kunoita weti. Ndakarwadziwa ndikasvika pakuchema,” anodaro.

Musi uyu anoti vanhu vakamunzwa achizhamba vakaungana iye akavaratidza zvaari.

Vamwe vanoziva nezviri kuitika kumurume uyu vanofungira kuti zvichida pamwe mudzimai waari kugara naye ndiye honzeri.

“Apo ndairwadziwa zvisingaite ndichingochema. Ndipo vamwe vanhu vakatanga kurova pfambi yandaiva ndasasana nayo iyi.

“Asi ini ndaizviziva kuti aisava nemhosva sezvo dambudziko iri ndagara ndiinaro kubva apo ndaiita zvechikorokoza kuBindura.”

Precious Chapinduka

Precious Chapinduka

Joko Joko anoenderera mberi achiti: “Pandaive kwaKitsiyatota, ndakashereketa nemumwe mukadzi wekuChitungwiza akangozviti anonzi Pauline. Handizive kuti aiva mukadzi wemunhu here kana kuti kwete asi ndakamubhadhara $10.

“Ndakaita mwedzi miviri ndisina, ndichifamba kumaporofita nekun’anga. Ndakazonobatsirwa nemumwewo murume n’anga uyo akanditemera nyora nekundinwisa mvura. Ruware rwakabva rwambopera.”

Joko Joko anoti nhengo yake ikanyangarika, painozodzoka anoita weti yakawandisa inenge iine ropa.

Panguva yainenge yakanyura, anoti weti inobuda nepaguvhu rake apo paanoti panoita buri.

“Pauline uyu ndakamutaurira dambudziko rangu ndikamubvunza kana iye asina kuiswa runyoka nekuti ndimombozvitya. Akaramba uye akazondibatsirawo ne$20 kuti nditsvage kwekubatsirwa.

“Asi kubva ipapo, dambudziko iri rakabva ratanga kusvikira izvozvi. Zvinongoitika kana ndikatorana nevamwe vakadzi asi kana ndiine wangu mudzimai hazviitike.”

Anoenderera mberi: “Handinyare kuzvitaura kuti vakadzi vandakapinda navo vose vari pakati pe60 ne100 nekuti mari yacho ndaiva nayo, yechikorokoza. Ndinokumbira zvangu kubatsirwa nevanogona nekuti ndanzwa.”

Anoti kusvika pari zvino, amera ruware kanodarika ka50.

Anoti dzimwe nguva anonzwa muviri wake kuita chiveve chakanyanya “ndobva ndaziva kuti ma1 aye atanga”.

“Ganda rekunze rinosara rinoita semuswe wetsindi kana wechimwewo chimhuka,” anodaro Joko Joko.

Murume uyu anoti ane mwana mumwe chete uyo waakaita nemumwewo mudzimai mugore ra2005.

Joko Joko anoti kwose kwaanofamba – kumaporofita kana kun’anga – anoudzwa kuti akaiswa runyoka rwemando yekamba.

Runyoka urwu, anodaro, rwunonzi ndirwo rwunoita kuti sikarudzi yake iny’ure sezvinoita kamba apo inony’udza musoro wayo.

Anoti vabereki vake – VaJonathan Muteragombo naMai Lorry Muteragombo – havazive nezvedambudziko rake iri sezvo ange achinyara kuvaudza.

Kuratidza kuomerwa kwake, Joko Joko akakatanurwa mbatya dzake kuti vatori venhau vazvionere.

Anotizve akamboenda kuchipatara cheHarare Central Hospital panguva iyo sikarudzi yake yainge “yarova pasi” akaedza kurapwa asi hazvina kupera.

Uyu mudzimai waari kugara naye, Chapinduka, anoti haana chaanoziva.

“Vakawanda vanoti ndine chekuita nezviri kuitika asi ini handina chandinoziva. Pakusasana kwedu kumba hapana chakaipa chandinoona. Ndinomuda uye ndinoti kumunhu akagadzira Joko Joko ngaamuroyonore. Kana achida kuripwa anomuripa pane kumutambudza zvakadai,” anodaro Chapinduka.

Mudzimai uyu anoramba kuti anoita mabasa echipfambi, zvisinei kuti akaonekwa neKwayedza achirwiswa nevamwe vakadzi vemunzvimbo iyi apo aipomerwa kudanana nemurume wemunhu.

Sahwira waJoko Joko, VaIsiah Beaton (39) vanoti haachakwanisa kushanda zvakanaka nekuda kwedambudziko raanaro iri.

“Zvikamubata anoridza mhere achiratidza munhu wose zvinenge zvichiitika kwaari. Munomunzwira tsitsi imi. Apedza kutengesa mafoni nezvimwe zvinhu achiedza kuzvirapisa,” vanodaro VaBeaton.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaTakawira Chipipi (35) vachiti vanoda kuti shamwari yavo ibatsirwe.

Kune vanoda kubatsira Joko Joko vanogona kuridza nhare dzinoti 0772 481 042, 0773 164 596, 0715 012 157 kana 0774 321 548.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey