‘Babamukuru musarambe, ndimi makandiitisa mwana’

23 Oct, 2023 - 16:10 0 Views
‘Babamukuru musarambe, ndimi makandiitisa mwana’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare wekuzama kunzvenga kubhadhara mendenenzi achiti mwana wacho haazi wake akanzi nedare abvise US$30 pamwedzi pachimirirwa kuzoitwa ongororo yeDNA.

Tendai Mavis Chidhawu akaendesa Bernard Makayi kuHarare Civil Court achida kuti abvise US$170 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo ane makore mashanu okuberekwa.

“Baba vemwana havasi kuchengeta mwana, dai vandibatsirawo nokuti havasisina mwana anoenda kuchikoro. Vane matakishopu, vanowana rendi paimba yavo uye vanowana penjeni pamwedzi,” anodaro Chidhawu.

Achipawo divi rake, Makayi anopikisa zvose zvaitaurwa achiti ave kugara kumusha uko ari kurarama nepenjeni chete.

“Ndinokwanisa kumupa RTGS 20 000 chete nekuti mari yekunze yaari kutaura tinopihwa pamwedzi mina pega-pega. Ndinokumbira zvekare kuti tinoongororwa ropa nekuti handina shuwa kuti mwana uyu ndewangu,” anodaro Makayi.

Chidhawu anoti haana dambudziko nekuenda kunoitwa ongororo yeDNA.

“Baba ava vari kuda kutsika-tsika nyaya yekuchengeta mwana nokuti murume watete vangu, ndosaka vari kuda kunzvenga nyaya,” anodaro.

Mutongi Ayanda Dhlamini akati Makayi abvise US$30 pamwedzi uye vaviri ava ndokupihwa mukana wemwedzi mitatu kuti vanoitwa ongororo yeDNA.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey