Baghdatis haasi kuzonokwikwidza

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI wetenesi wekuCyprus, Marcos Baghdatis, haasi kuzonokwikwidza kumutambo weRio Olympics mushure mekutadza kupora gokora rake.

Baghdatis akakundwa muround rechi16 naAndy Murray kumitambo ye2012 London Olympics.

Mutambi uyu akabuda pachena kuti akarwadziwa nekukundikana kuenda kunokwikwidza asi anoti anga asarudza kurega kuenda kumakwikwi aya sezvo aisada kurasisa nyika yake.

“Zviri pachena kuti kana ndisina kupora zvakakwana handiende kunokwikwidza kumaOlympics nekuti ndinenge ndisiri kubatsira nyika yangu,” Baghdatis akadaro achinyora padandemutande reFacebook.

“Saka zvakadaro ndinokuzivisai kuti ndave kuzviburitsa muchikwata cheCyprus Olympic Team. Ndakatozivisa sangano reCyprus Tennis Federation”.

Baghdatis ange adzoka muTop 40, mushure mekunge atamba zvinonwisa mvura kuDubai Duty Free Tennis Championships, asi akabuda zvakare muTop 40.

Mutambi uyu, uyo ane makore 31 okuberekwa, akakunda Viktor Troicki, Vasek Pospisil, Bautista Agut naFeliciano Lopez kusvika apinda mufainari umo akazokundirwa naStan Wawrinka mumasets maviri.

Baghdatis anoremekedzwa chaizvo munhorowondo yeDavis Cup sezvo akambopedza mitambo 36 asina kumbokundwa.

Akambosvika kufainari yeAustralian Open mugore ra2006 umo akazokundwa naRoger Federer. — Daily Mail.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey