Uncategorized

‘Basa reCensus richiri mugwara’

20 May, 2021 - 12:05 0 Views
‘Basa reCensus richiri mugwara’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inovimbisa veruzhinji kuti kunyangwe zvazvo gadziriro dzechirongwa chekuverengwa kwevanhu munyika (census) dzakakanganiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19, mamiriro ezvinhu ari mugwara uye chichaitwa mukati munguva inotarisirwa kuitira sarudzo dza2023.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti kuverengwa kwevanhu kuchatanga munaKubvumbi 2022 uye kunotarisirwa kupera munaNyamavhuvhu gore rimwe chetero.

Vanoti gurukota rezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, vakazivisa dare reCabinet nemamiriro akaita gadziriro dzechirongwa chekuverengwa kwevanhu ichi.

Kuverengwa kwevanhu idanho rinofanirwa kuzadzikiswa pasi pebumbiro remutemo weZimbabwe kuitira kuti komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) ikwanise kuzopatsanura matunhu enyika (delimitation of constituency boundaries).

“Hurumende inovimbisa nyika kuti zvisinei nekuti gadziriro dzechirongwa chekuverengwa kwevanhu dzakakanganiswa nekuda kweCovid-19, nyika ichiri mugwara rakanaka rekufambisa chirongwa ichi mukati menguva inotarisirwa kuitira sarudzo dza2023,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti bazi rezvekutongwa kwematunhu riri kutarisirwa kuti ripedze kutara miganhu yemawadhi, districts nemapurovhinzi kuitira kuti chirongwa ichi chifambiswe zvakanaka.

Vanoti mushure mezvo, pachazove nekupatsanhurwa kwemhuri dzichiswa muzvikwata zviri pakati pe80 kusvika 100 (enumeration areas) kuverengwa kwevanhu kusati kwatanga.

Sen Mutsvangwa vanoti zvisinei nebudiriro iripo maringe nekufambiswa kwechirongwa ichi kusvika pari zvino, chakadzoserwa kumashure zvikuru kwemwedzi inosvika gumi nekuda kwechirongwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown).

“Kekutanga munhoroondo yemuZimbabwe, Zimbabwe National Statistical Agency (ZIMSTAT) ichange isingashandise magwaro emapepa pakuverenga vanhu asi kombiyuta kuburikidza nenzira yeComputer Assisted Personal Interviewing (CAPI),” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti zvakare sezvo aka kari kekutanga kushandisa nzira yakadai mukuverengwa kwevanhu munyika muno, pachatanga paitwa ongororo yemashandiro enzira iyi uye izvi zvichaitwa kusvika muchikamu chekutanga cha2022.

“Kuverengwa kwevanhu kuchatanga munaKubvumbi 2022 uye zvinobuda zvichitarisirwa munaNyamavhuvhu 2022,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey