Basa tapedza: Zifa

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Basa tapedza: Zifa

Kwayedza

‘. . . zvasarira maWarriors’

Abel Ndooka
MUTUNGAMIRIRI weZimbabwe Football Association, Felton Kamambo, anoti sangano ravo ragadzirira zvose zvinodiwa apo maWarriors atarisana nemutambo mukuru wekurwira tikiti rekuenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations paachasangana neCongo Brazzaville kuNational Sports Stadium nemusi weSvondo uye chasara chete ndechekuti chikwata chenyika ichi chihwinhe mumutambo uyu.

MaWarriors mumutambo uyu ari kungoda chibodzwa chimwe chete kuti abudirire kuenda kuAfcon kuEgypt gore rino. Makore adarika, paimboita kugunun’una kubva kumaWarriors vachichemera mari dzavo dzebhonasi kubva kuZifa.

Felton Kamambo

Asi, sekutaura kwaKamambo anoti hakusisina matambudziko aya uye sangano ravo riri kushanda zvakasimba kuti zvinhu zvese zvifambe zvakanaka mumutambo wavo uyu.

“Takarongeka isu, ndozvatakanakira, zvese takagadzirira kuti mutambo uyu ufambe zvakanaka.

“Hapana chipingaidzo chatinofunga kuti chichatikanganisa kana mutambo wasvika. Zvese takagadzirira kuti zvifambe zvakanaka, kana vatambi chaivo vari kufara. Chasara kuti tihwine musi wesvondo tiende kuEgypt,” anodaro Kamambo.

MaWarriors – ayo ari kurairidzwa naSunday “Mhofu” Chidzambwa – ari kurwira kuti aende kumutambo weAfcon kechina munhorowondo yenhabvu yemuno.

Kamambo anoti zvakakosha kuti vatsigri venhabvu vauye nehuwandu hwavo kuzotsigira maWarriors.

“Vatsigiri vedu tiri kuvada chaizvo musi weSvondo kumutambo uyu, mukuru zvisingaite saka ngavauye nehuwandu hwavo kuzotsigira chikwata chedu.

“Zvamunongoziva vatsigiri venhabvu vane basa guru ravanobata pakutsigira chikwata saka isu tiri kuvada chaizvo svondo rino,” anodaro.

Zvakadaro, Kamambo anoti nemusi weSvondo mutambo uyu usati watanga, vachawana nguva yekurangarira vanhu vose  vakarasikirwa nehupenyu (minute of silence) nekuda kwemafashamu emvura aive nedutu guru kumatunhu enyika anosanganisira Manicaland.

“Ticharangarira vose vakarasikirwa nehupenyu hwavo nekuda kwemafashamu ayo akaitika kunzvimbo dzakasiyana dzenyika mutambo usati watanga uye tichabatsirawo vamwe nepatinokwanisa,” anodaro.

Zvakadai, vatsigiri venhabvu vanoti svondo rino vachazadza nhandare yeNational Sports Stadium zvisati zvamboitika munhorowondo yenyika ino.

Mutsigiri mukuru wenhabvu Chris “Romario” Musekiwa anoti sevatsigiri vari kuronga kuzadza NSS svondo rino uye masvondo adarika vange vachiita gadziriro yenziyo itsva dzekuimba vachitsigira maWarriors pamutambo uyu.

“Tiri kushanda basa guru rekukurudzira vatsigiri venhabvu kuti ngavauye musi weSvondo kunhandare kuzotsigira chikwata chedu chenyika, ngativapei rutsigiro rwakakwana vabate basa sebasa.

“Kaputeni wedu Knowledge Musona tinovimba naye nechikwata chese. Tinongoti vakomana fambai nebhora uye munwise bhora richangotanga, tatotarisana neEgypt,” anodaro Musekiwa.

Mumwe mutsigiri wenhabvu – Hurbert Manyowa wekuKadoma – uyo anove sachigaro weKadoma Warriors Chapter, anoti musi weSvondo hapana munhu anofanirwa kugara kumba kwake asi nzira dzose ngadzinange kuNSS kunotsigira chikwata chenyika.

“Izvi ndezvenyika yedu, chikwata ndechenyika saka ngatibatane senyika kuenda kunotsigira vakomana vedu vachibata basa.

“Gore rino nderedu maWarriors anofanirwa kusvika kure. Iye zvino tinoona kuti hapasisina nyonga-nyonga munhabvu yedu saka vakomana ngavatambe nhabvu vasafunge zvakawanda nekuti zvese zvakagadzirirwa kuti bhora ritsve,” anodaro Manyowa.

Mumutambo uyu, Chidzambwa achange achitarisira kuti vakomana vake vanosanganisira Musona, Khama Billiati, Tinotenda Kadewere, Evans Rusike, Knox Mutizwa naTalent Chawapihwa kuti vabate basa sebasa svondo rino kuNational Sports Stadium.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey