Batsirai Sharon ne$500

10 Dec, 2015 - 17:12 0 Views
Batsirai Sharon ne$500 VaArabia Mudzimurega vakabata Sharon uyo ari kuda rubatsiro

Kwayedza

MWANA wekuGuruve ane makore mana okuberekwa, uyo ane dambudziko rekukura musoro wake zvakadarikidza, ari kutsvagawo rubatsiro rwe$500 yekuti anoburitswa mvura irimo kuchipatara.

Sharon Mudzimurega akatanga kubatwa nedambudziko rechirwere chinonzi “macrocephaly” ava nemwedzi minomwe yekuberekwa.

Zvakawanda munyaya iri pazasi

Nekuda kwedenda iri, mwana uyu haakwanise kufamba kana kutamba nevamwe uye anogara achidonha.

Baba vake, VaArabia Mudzimurega, vanoti mudzimai wavo, amai vemwana uyu, akatiza achiti aneta nehurwere uhu.

“Amai vemwana uyu, Precious Date (27), vakamutiza musi wa10 Mbudzi gore rino vachiti vaneta nekumubereka. Ndakangonzwa kuti vakaenda kuKadoma kwasisi vavo asi havachadaira nhare yavo. Ndinovimba kuti vakatochinja nhamba dzenhare.

“Takamboenda nemwana uyu kuKaranda (Mission) Hospital machiremba vakati panodiwa $500 yekuti aburitswe mvura mumusoro. Takakundikana kuwana mari iyi kusvika nhasi uno.

“Handisi kana kukwanisa kushanda nekuti ndinogara ndakabereka mwana uyu, asi kudai ndaiwana zvekurimisa nekuti papuroti patinogara pane mvura yemadiridziro,” vanodaro VaMudzimurega. VaMudzimurega vanogara nemwana wavo paPlot nhamba 13 Mangondo Farm, Horse-Shoe, kuGuruve.

Baba ava vakauya nemwana wavo kuKwayedza vachibva kuGuruve vachiti vanotsvagawo rubatsiro sezvo vanoti vakanzwa kuti vamwe vanobuda mubepanhau rino vanobatsirwa.

Vangade kuvabatsira vanovabata panhamba dzinoti 0784 499 253 kana kuisa mari paEcoCash yenhamba dzimwe chete idzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey