Uncategorized

BEAM yodzidzisa vana 1,5m

31 Dec, 2020 - 00:12 0 Views
BEAM yodzidzisa vana 1,5m VaSimon Masanga

Kwayedza

Blessings Chidhakwa
KUTANGA gore rinouya, Hurumende inenge yave kubatsira vana vari pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) nemayunifomu echikoro pamwe chete nemabhuku ekunyorera senzira yekuvayamura zvichitevera matambudziko akakonzerwa nechirwere cheCovid-19.

Bazi rehomwe yenyika rakaisa padivi mari inosvika $2 bhiriyoni yeBEAM uye vana vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi vanotarisirwa kuwedzera kubva pa950 000 kuenda pa1,5 miriyoni gore rinotevera.
Vachitaura muguta reHarare svondo rino pachirongwa chehurukuro dzakananga kupedza mhirizhonga kuvana, munyori mukuru mubazi revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya – VaSimon Masanga – vanoti pane mukana wekuwedzera homwe yemari iyi kubva pa$2 bhiriyoni nedonzvo rekubatsira vana vakawanda.

“Chinangwa chedu ndechekubatsira vadzidzi 1,5 miriyoni kubva pa950 000. Ava 1,5 miriyoni havasi kubatsirwa nemari yechikoro bedzi. Vari kuwanawo mayunifomu nemabhuku ekunyorera.
“Sebazi, tinoona zvakakosha kuti tibatsire vana nemayunifomu nekuti vamwe vavo vange vave kushevedzwa nekunzi ‘vana veBEAM’ nekuda kwekushaya kwavo mayunifomu, nekudaro iri iburi ratinoda kuvhara muna 2021,” vanodaro.

BEAM inobatsira vadzidzi kubva vekupuraimari, kusekondari nevekuzvikoro zvepamusoro zvinosanganisira makoreji.

Kubatsirwa kwawedzerwa uku kuri kuuya panguva iyo Zimbabwe iri kurwisa matambudziko akonzerwa nekuuya kwechirwere cheCovid-19.

Chirwere ichi chakanganisa zvikuru raramo yevanhu nekukonzera kudzikira munyaya dzeupfumi hwenyika.

VaMasanga vanoti vashandi vemubazi ravo vari mubishi kushanda siku nesikati nechinangwa chekuona kuti chirongwa ichi chabudirira, kunyanya vari kumatunhu enyika.

Chirongwa cheBEAM chakatanga muna2000 nechinangwa chekubatsira vadzidzi vanobva kumhuri dzinoshaya, kusanganisira nherera, nemari dzechikoro uye gore rapera homwe iyi yakapihwa $450 miriyoni.

Kubvira pakatanga chirongwa ichi, chiri kutsigirwa neHurumende ichibatsirana nemamwe mapoka anoyamura.

VaMasanga vanoti kunze kweBEAM, Hurumende ichabatsirawo nezvekushandisa kuchikamu cheDepartment of Social Welfare pasi pechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika cheNational Development Strategy 1 (NDS1).

Izvi zviri kuitwa senzira yekusimudzira raramo yeveruzhinji apo bazi rehomwe yenyika rinotarisirwa kutenga motokari dzinosvika 60 dzeDepartment of Social Welfare kuitira kuti vashandi veko vakwanise kuita basa ravo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey