Uncategorized

Bhazi rehunhu rapera dhiziri

05 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa —
NDIPO patasvika apa! Kuburutsirwa pasango nekuti bhazi retsika nehunhu rapera dhiziri tisati tasvika. Mukadzi wemuchato onamira pamuporofita! Vakomana tambai nebhora, musatambe naMwari. Kwirai makombi, musakwire panotsvedza, nekuti hotoko yemukwiri kuwa netsotso.

ZvaMwari zvinoyera, usafunge kuti kana wakazviita kakawanda pakashaya chakaitika Mwari vakafa.

Mwari havakotsire kana kurara. Kana mafunga kuita hupombwe hwenyu itirai kubhawa makapfeka makondomu, kwete makapfeka hembe dzaMwari, muchishandisa zita raMwari.

Kana uri kutsvaga kubatsirwa nemuporofita, ko zvekubatana kwako chiporofita chekupi?

Nhamo panyika hadzipere, uye kushaya mbereko hakuna kutanga nhasi, asi chipfambi chekusvika pakuda kutsvaga mwana kuchikomba kurova Mwari marambakutya. Zviri nani kufa ndisina mwana, asi ndiine hunhu, tsika nechiremerera.

Zvino chamagona ndechipi kubuda muKwayedza neparedhiyo nekuda kwehupombwe, vamwe vachibuda panhau nekuti vakatora mukombe wekurima?

Chiiko chiri kumboitika chaita kuti tishandiswe sematishu muchimbuzi? Chii chiri kutadzisa kuti hongu yako ive hongu, uye kwete yako ive kwete? Ndiwo here mafoni ave kukuchidzira moto uri kupisa tsika, hunhu nekuzvibata kusvikira zvaita dota? Ndihwo huipi here huri mumunhu?

Nekuti Bhaibheri rinoti, “Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzokufunga kwomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzese.”

Saka nyangwe Mwari vakatinunura pakuipa kwedu kubudikidza nekufa kweMwanakomana wavo Jesu, isu tinosarudza zvedu kufanana nezino rinoora nekuti tenzi vanoda shuga nezviwitsi?

Saka kana tikada bonde zvekusvika pakuparadza wanano, zvekusvika pakufanana negava rakadya muswe waro – bonde iroro idhigirii here?

Kana ukafa uchiita hupombwe nembwa inozviti muporofita unonomira pamberi paMwari uchiti chii?

Munhu haana kusikirwa bonde nekuvhura bhucha renyama yembwa. Idzo imbwa dzakapfeka magemenzi idzi hadzinyare. Dzabva mukuita hupombwe, unotonzwa dzave kuhukura dzichipa tsananguro! Sora harisi soya bhinzi mhani.

Kufanana nehama dzemufi dzinogoverana nekutora zvinhu zvese zvemufi zvekusiya nherera dzisina kana poto nemagumbeze, hupombwe huroyi. Iko zvino mukadzi wemuridzi nemuporofita vayedzerwa vakatasva mapere avo. Rine manyanga hariputirwe mumushunje, uye hapana anopinda mumvura akabuda akawoma.

Maporofita enyu amunopa mbiri inenge yekurima aya imimba yembwa, haikamwe mukaka.

Ndizvo zviye zvandakataura, kuti pwere dzakafoira chikoro dzave kufunga kuti kuzvigona kuita muporofita wehupombwe.

Regai Sabuku Zhanda vakazoti, “Ivowo mamwe madzimai havabviri mumaporofita mhani.” Hakuna nhamo yako inopedzwa nemumwe munhu nekuti Jesu mumwe chete iyeye ari kunzi nemuporofita ndinoudza nhamo dzako haana kumboramba kutaura newe.

Nhamo yedu mazuva ano ndeyekuda zvinhu zvisingarwadze, uye zvisina nhoroondo. Kushaya mbereko kunowanika. Hapasi pese patakakanda chirauro mumvura chichibva changobata hove. Hapasi pese patinomisa kombi ikamira. Kumirira kwakakosha nekuti kunotidzidzisa. Variko vakazoita vana, nekuti nguva yaMwari yakakwana.

Vabereki taurirai nekudzidzisa vana kuti mafirimu ebonde avanoona pamafoni akafanana nekumera muswe. Pamberi apo muswe wako uchabuda muhembe. Panyika pano pane vakamirira kuparidza vhangeri rehupombwe nechinangwa chekuti vanhu varasike.

Hushamwari nenyama hunovengana naMwari. Anodyara nyama achakohwa kuora. Musakanganwe kuti kufa kuri kuuya. Pauchafa, munhu wawakasarudza kuve achasangana nemunhu wawaifanirwa kuzove, asi panenge pasisina nguva. Nyama nekuda kunakirwa kwayo inotiita senhunzi iri kutevera chitunha mugomba reguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey