Uncategorized

Bhinya rakatakwa nemabwe

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Bhinya rakatakwa nemabwe

Kwayedza

Blessings Chidakwa ari kuGWERU —
MURUME weGokwe — uyo ari kupomerwa kubata mumwe musikana chibharo apo amai vake vainge vakatarisa, ndokuzoedza zvakare kubhinya mudzimai uyu — ava kuzvidemba zvichitevera kutemwa kwaakaitwa nemabwe musoro wake ndokusara watsemuka.

Musungwa uyu, Edmore Chikowore, pari zvino ari kurapwa muchipatara cheGokwe District Hospital achimirira kutongwa. Chikowore anonzi nemusi wa2 Chikunguru gore rino, akange ari kunzvimbo yekwaMakwaike, kuGokwe apo aifamba akabata simbi.

Anonzi akazosangana nemusikana ane makore makumi maviri okuberekwa uyo aifamba naamai vake ndokubva avavhunditsira achiti anoda kuvabata chibharo vose uye kana vachinge varamba aizovauraya.

Zvinonzi nekutya, musikana uyu akabva atevedzera zvaidiwa naChikowore, uyo akabva amubata chibharo kamwe chete amai vake vakatarisa.

Mushure mekubhinya musikana uyu, Chikowore anonzi akada kubata chibharo amai vemusikana uyu asi mwana uyu neshungu, akanhonga dombo ndokutema bhinya iri mumusoro zvikaita kuti murume uyu awire pasi achiyuwira nekurwadziwa.

Musikana uyu naamai vake vakabva vawana mukana wekupunyuka ndokutiza vachinotsvaga rubatsiro. Chikowore akabva asungwa achiri panzvimbo iyi.

Mutongi wedare reGokwe Magistrate Court, Mai Sithabile Zungula, anoti Chikowore ngaamborapwa akachengetwa muchipatara ichi kusvika musi wa18 Chikunguru apo achazomupa mutongo wake.

Mutongi anoti kana musungwa achida bhero, anokumbira kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi munyaya iyi aiva John Chaisva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey