Uncategorized

Bhiridha akadhirikirwa akafa

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

BHIRIDHA aivaka chitoro panzvimbo yemabhizimisi ekwaNyamweda, kuMhondoro, anonzi akatsitsirirwa ndokufa mushure mekunge chimwe chitoro chaive pedyo nepaaita basa rake chakadhirika svondo rapera.

Tsaona iyi yakaitika masikati emusi wa1 Chikumi apo Garikayi Zinyama (42), wekwasabhuku Nhamo, akafa munjodzi iyi.

Zinyama anonzi aiva nevamwe vaviri vanoti Brian Muchenjekwa (40) naEdgar Chakanetsa (40), vose vemubhuku raChakanetsa, kwaNyamweda.

Mutauriri wemupurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti vatatu ava vaichera faundesheni yechitoro chitsva pakati pezvitoro zviviri zvinoti bhawa rekwaMhizha Bottle Store neMhizha General Dealer.

Vanonzi vaichera vakadziva kumudhuri weMhizha General Dealer apo wakazodhirika uchibva watsitsirira muchakabvu.

“Pakadhirika mudhuri uyu, Garikayi Zinyama akabva asvikotsitsirirwa nezvidhina achibva angofira panzvimbo, Brian Muchenjekwa naEdgar Chakanetsa vakapunyuka vasina kukuvara,” vakadaro.

Mumwe mwana mudiki wemakore mapfumbamwe okuberekwa, uyo aitambira padyo nepamudhuri paiitwa basa nemabhiridha aya, anonzi akakuvarawo.

Mwana uyu akanorapwa kukiriniki yeMhondoro North achibva adzokera kumba.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekamba duku yekwaNyamweda avo vakaenda panzvimbo iyi mutumbi waZinyama ukazoendeswa kuchipatara cheHarare Central uko waifanirwa kuongororwa nachiremba.

Insp Mabgweazara vakayambira vanoita basa rekuvaka kuti vashandise hunyanzvi mubasa ravo, vachingwarirawo zvinhu zvinogona kuvapinza munjodzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey