Bhodhi idzva reIndoor Cricket

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

BHODHI idzva richange richitungamira ligi reDa Vinci Indoor Cricket League rakagadzwa munguva yadarika zvichitevera kusiya basa kwakaita Jim Marshall uyo aive sachigaro.
Marshall akatungamira ligi iri kwemakore mana kubvira parakavambwa mugore ra2010.

Petrus Erasmus ndiye akatsiva Marshall uye achange achibatsirwa basa rake naSaad Khan uyo anove mutevedzeri wake.

Muhurukuro naKhan svondo rino, akati bhodhi idzva iri rine basa guru sezvo richashanda nesimba mukusimudzira mutambo uyu. Anoti pakatanga ligi ravo mwaka uno raive nezvikwata zvitanhatu asi vanoda kuwedzera zvimwe zvina kuti zvigosvika 10.

“Tine zvirongwa zvakawanda zvatakaronga zvekuti ligi redu iri rikure.

“Parizvino tine zvikwata zvitanhatu zviri kukwikwidza asi tichawedzera zvimwe zvina kuti zvigosvika 10 sezvo tinoda kuti mutambo uyu ukure ugonakidza.

“Tichangotanga basa iri hedu saka tinoda kurakidza kuti pave nebhodhi idzva rave kutungamira ligi iri kuburikidza nekuronga zvirongwa zvakawanda zvinosimudzira mutambo uyu,” akadaro Khan.

Ligi regore rino risati ratanga, zvikwata zvemuno zvaitarisirwa kuenda kuSouth Africa kunokwikwidza asi zvakazokundikana nekuti zvakashaya mari uye bhodhi iri rainge richangotanga basa.

Khan anoti vachamhanya-mhanya kutsvaga mari kuti vagokwanisa kutumira zvikwata zvavo kunokwikwidza kuSouth Africa apo ligi richapera.

“Taifanirwa takaenda kuSouth Africa mwaka mutsva weligi rino ratiri kutamba usati watanga asi hazvina kuzobuda saizvozvo, tave kuzviita gore rinotevera pachapera mwaka uno weligi watiri kutamba.

“KuSouth Africa tichaenda uye tichatumira zvekare zvikwata zvedu kunokwikwidza kunyika dzakasiyana dzakaita seBangladesh, Pakistan neAustralia,” akadaro Khan.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey