Bhora pasi: Chuchu…‘Vechidiki ndivo remangwana’

17 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Bhora pasi: Chuchu…‘Vechidiki ndivo remangwana’

Kwayedza

MURAIRIDZI wenhabvu Elvis “Chuchu” Chiweshe ari kukurudzira vamwe varairidzi vemutambo uyu kuti vashande zvakasimba mukusimudzira vechidiki sezvo vari ivo vatambi vechikwata chenyika chemangwana.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Chuchu anoti varairidzi vazhinji vari kumhanya kunoita zvidzidzo zvakasiyana kuti vagokwanise kushanda nezvikwata zvinokwikwidza muPremier Soccer League asi maitiro akadai aya ari kukanganisa kusimukira kwemutambo uyu.

Chuchu anoti vazhinji vacho kana vave nemagwaro aya chavanongotsvaga chete kuhwina mitambo zvenguva iyoyo asi vachikanganwa kusimudzira vechidiki.

Mukuita izvi, Chuchu anoti varairidzi vazhinji havasi kutarisa ramangwana kuti rakamira sei sezvo vanongotarisa zviri kuitika panguva iyoyo.

“Bhora riri kudzikira nekuti varairidzi vemazuva ano vanyanya kudzidza uye havachade kudzikira pasi kuti vanoshanda nevatambi vechidiki. Vanongoda kurairidza muPremier League chete. Zvino tose tikamhanyira kunorairidza imomo vatambi vacho vachabva kupi?

“Tinofanirwa kuita makwikwi ekushanda nevechidiki tichivagadzirira ramangwana ravo kuti rigove rakajeka,” anodaro Chiweshe.

Chuchu akakurira kuBulawayo kwaive nezvikwata zvemunharaunda (community clubs) uko kwakabikwa vatambi vakaita mukurumbira vanosanganisira Willard Khumalo, Peter, Madinda naAdam Ndlovu, Mercedes Sibanda, Rahman Gumbo nevamwe.

Anoti kwaive nevarairidzi vaive vakazvipira kushanda nevatambi vechidiki nekuti vaiziva kuti zvikwata zvavo ndizvo zvaizobudirira mune ramangwana.

“KuBulawayo kwaive nevairidzi vakaita saAli Baba aive kuHighlanders kozoti Jani Mupostori aive kuZimbabwe Saints.

“Machinda aya akabika vatambi vakawanda vakanetsa zvikuru nekuti vainge vakazvipira mubasa ravo. Zvavaiita zvainge zvakarongeka.”

Chiweshe anoti makore ano zvikwata zvizhinji zvave kushandisa mari kana zvichida kubudirira izvo zvinoona zvichitenga vatambi vatsva vakawanda mwaka wega-wega.

Anotizve tsika iyi yakaipa sezvo ichikanganisa kubudirira kwevechidiki sezvo vasingazokwanisa kusimukira kupinda muzvikwata zvevakuru nekuti mikana yacho inenge yavharwa.

“Zvikwata zvizhinji zvave kushandisa mari kuti zvibudirire zvinotenga vatambi vakawanda saka izvi zvinokuvadza vatambi vechidiki vanenge vari muchikwata ichi.

“Vamwe vatambi vanongomhanyira kwavanenge vanzi huyai tikupei mari yakawanda, izvi zvakashata nekuti hapana chaunombodzidza munhabvu, unogara uchingochinja zvikwata.

“Mutambi ngaagare pachikwata chimwe chete. Ini ndakatambira zvikwata zviviri chete munguva yangu, Eagles neDynamos,” anodaro Chuchu.

Pari zvino Chiweshe ari kurairidza zvikwata zvevechidiki zveHarare City FC uko anoti ari kushanda zvakasimba kusimudzira vatambi ava.

“Tiri kushanda nezvikwata zveUnder-13, 15 ne18 uye tinoona zvakanaka mukugadzirira vatambi ava.

“Chikwata cheUnder-18 chiri kutambira muDivision 2 uye vatambi vacho vari kubikwa zvakasimba vachigadzirira kuzopinda muchikwata chevakuru.”

Chiweshe anonzwa kufara zvikuru kuona vatambi vakaita saPartson Jaure, Zhaimu Jambo, Blessing Moyo nevamwe avo vaakashanda navo panguva iyo airairidza kuDynamos.

Chuchu akamborairidza kuDynamos ari mutevedzeri waMoses Chunga panguva yakanetsa chikwata cheKidznet ndokubva akazodzoka zvakare mugore ra2004.

“Ini hangu ndakasimudzira vatambi vakawanda vechidiki kuDynamos vakaita saPartson Jaure, tarisai iye zvino ave kutambira kuSouth Africa uye nechikwata chemaWarriors.

“Ngatitarisei kwatiri kuenda kune remangwana kwete zvatinoda iye zvino, ngatishandei zvakasimba mukubika vechidiki,” anodaro.

Chiweshe akatambira Dynamos kubva 1988 kusvika 1994 akazosiya nhabvu akuvara gumbo.

Mumutambo wake wekupedzisira, uyo waanoti akatamba akakuvara, DeMbare yakakundwa 3-2 neHighlanders mufainari yeBP Shell Cup kuNational Sports Stadium.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey