Bhudhi voburitsira sisi banga

15 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUKADZI wekubatirwa banga nehanzvadzi yake mushure mekunetsana pamusoro pemba yakasiiwa nevabereki vavo akazotizira kudare.

Elizabeth Bhede akamhan’arira Banda Banda kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza achimurova nekumutuka.

“Changamire, upenyu hwandiomera saka ndinokumbira gwaro redziviriro rekuti bhudhi vangu ava vasauya pamba pandiri kugara vachindiudza mashoko anorwadza asi vari ivo vakanditengesera imba yacho.

“Kana zvakakwidza vanouya votanga kupopota dzamara vandirova. Vakatombondibatira banga ndikatiza saka ndava kutyira upenyu hwangu, ndosaka ndauya kuno. Zvose izvi ari kuzviita nekuti haachina chaainacho, akaparadza pfuma yake yose,” akadaro Bhede.

Banda akaudza dare kuti zvose zvakataurwa nehazvadzi yake manyepo asi kuti pane godo pakati pavo uye imba iyi yakasiiwa mumawoko ake nevabereki vavo.

“Imba ndeyangu yandakasiirwa nababa vangu asi sisi vari kuda kuti ndisatsikepo. Kutonditorera imba kwavari kuda kuita uku.

“Iwe unozviziva wani kuti imba iyoyi ndiani akaisiirwa. Zvauri kutaura zvekuti ndakakubatira banga ini ndakazviita kupi? Uri kuda gwaro iri kuti ugare pamba apa chete.

“Changamire, handina sendi rake randakadya, manyepo chaiwo hatina kumbotengeserana imba isu,” akadaro Banda.

Bhede akamugamha achiti: “Imba iyi ndeyangu nekuda kwemari yawakandibhadharisa uye kuvakisa ndini ndakavakisa.

“Ivo (Banda) vave kuona kuti havasisina pekugara saka vave kuda kundibvisa paimba yandakazvivakira ndega.”

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Bhede.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey