Uncategorized

Bindura South yovandudza zvikoro nemakiriniki

20 Feb, 2018 - 11:02 0 Views
Bindura South yovandudza zvikoro nemakiriniki Thrums Primary

Kwayedza

VAGARI vekuBindura South vave kubatsirikana nemabhindauko akasiyana ari kuitwa mudunhu ravo ayo anosanganisira kuvandudzwa kwezvikoro, migwagwa, nemakiriniki.

Zvirongwa izvi zviri kutungamirirwa nemumiririri weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

Cde Matangira vanoti vanoona zvakakosha kusimudzira nyaya dzebudiriro kuburikidza nekuvandudza zvivakwa zvakaita sezvikoro nemakiriniki mudunhu ravo.

“Dzidzo neutano ikodzero yevanhu vose naizvozvo ndichaenderera mberi nekuvandudza upenyu hweveruzhinji. Ndakakura ndiri nherera, ndikaendeswa kuchikoro nemapirisiti echechi yeRoman Catholic.

“Mukukura, ndakatarisa raramo yevanhu munharaunda yandaigara ndikaona vana vazhinji vaida rubetsero – nherera nevaishaya. Ndipo ndakatanga kubatsira, kusvika iye zvino ndabatsira vana vane chitsama kuvaendesa kuchikoro, kusanganisira kumayunivhesiti,” vanodaro Cde Matangira.

Zvikoro zviri kubatsirwa nekuvandudzwa zvivakwa nezvimwe zvakasiyana naCde Matangira zvinosanganisira Thrums Primary, Nyava Primary, Mashambanhaka Primary, Saimoona Primary, Chireka Secondary neMaizelands Secondary.

Mukuru wechikoro cheSaimoona Primary, Mai Elizabeth Muchineripi vanotenda Cde Matangira nekubatsira kwavari kuita pachikoro chavo.

“Patinogumirwa ndipo panotangira Honourable Matangira, handizivi kuti ndovatenda sei. Vanotibatsiro kutangira pamabhuku ekunyorera chikoro chese. Vakativakirawo imwe kamuri yokudzidzira mushure mekunge vaona vana vachifundira pasi pemuti,” vanodaro.

Cde Matangira vanoti vanosimudzirawo nyaya dzeutano mudunhu ravo.

“Ndichifamba mumakiriniki, vamwe vanoti vanoda imba inogara madzimai akazvitakura akamirira kusununguka (mothers waiting room) nekuda kwekuti dzimba dzavo dziri chinhambwe nekune makiriniki,” vanodaro.

Mukoti mukuru paRutope Clinic, Sister Stella Khumalo, vanoti vakavakirwa imba inogara madzimai akazvitakura vachimirira kusununguka naCde Matangira.

“Takavakirwa Mother’s Shelter Room yedu ine dzimba sere zvinova zvinoderedza kurasikirwa neupenyu hwevanhukadzi pamwe nevana. Tinotenda Honourable Matangira neruwoko rwavari kupa makiriniki emuBindura South,” vanodaro Sister Khumalo.

Cde Matangira vari kubatsirawo mukuvakwa nekuvandudzwa kwemamwe makiriniki ari mudunhu ravo anosanganisira Muchapondwa Clinic neGlamorgan Clinic.

Pamusoro pezvo, Cde Matangira vakabatsira mukuvandudzwa kwemugwagwa weHora-Mupandira nemimwe yemudunhu ravo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey