Boika onanga Germany

14 Apr, 2022 - 11:04 0 Views
Boika onanga Germany Brendon 'Boika' Denes

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wetsiva ane mukurumbira, Brendon ‘Boika’ Denes, ari mushishi kuita gadziriro dzekuenda kuGermany uko ari kutarisirwa kusangana naLaszlo Toti chizvarwa chekuHungary.

Boika, uyo ari kubatsirwa gadziriro dzake naClyde Musonda weDeltaforce Boxing Promotions, anoti uyu mukana mukuru waapihwa wekuramba achisimukira mumutambo wetsiva. Boika mitambo yake inorongwa nesangano reLionheart Boxing Promotions iyo inotungamirirwa naEdward Mendy anove chizvarwa chekuAmerica uye achatatsurana naToti musi wa30 Kubvumbi.

“Ndinonzwa manyukunyuku nemukana uyu wandapihwa wekuti ndiende kuGermany kunosangana naToti. Uyu mutambo mukuru kwandiri uye ndiri kushanda nesimba kuti ndigouhwina sezvo shuviro yangu kuti ndirambe ndichisimukira mumutambo wetsiva.

“Saka ndiri kushanda nesimba ndichibatsirwa mugadziriro dzangu naClyde Musonda uye neveCharles Manyuchi Academy,” anodaro.

Musonda anoti Boika mumwe wevatambi vetsiva vari kusimukira uye vane chipo saka anovimba kuti achanokunda mumutambo wake.

“Boika mutambi akazvibata anoziva zvaanoita saka ndinofara zvikuru kumubatsira mukugadzirira mutambo wake waakatarisana nawo.

“Ari kugadzirira mutambo wake ari mumaoko angu uye ini ndinofara chaizvo kumubatsira nekuti akanohwina senyika tinenge tahwinawo,” anodaro Musonda.

Boika anonyanyokuzivikanwa zvichitevera kuhwina kwaakaita mabhande eWBF intercontinental super lightweight mugore ra2019 uye akazohwina zvekare bhande reWBC Africa welterweight title gore radarika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey