Uncategorized

Boom Betto adonhedza tsika

12 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa —
KUDHIRIKIRA kwetsime kunokonzerwa nerudzi rwevhu repakacherwa tsime racho. Kuparara nekurasika kwenyika kunotangira mumwoyo nepfungwa dzevanhu vaviri kana vatatu, nekushaya anotsiura. Asi mazuva ano nyangwe tikatsiura saizvozvi, kune vamwe pakati pedu vanofanana nemuroyi anobvunza vanhu kuti maurayirei nyoka yanga yapinda mumba.

Zvakakosha kuti sevanhu tizive kuti nyangwe mvura ikanaya sei, haife yakageza makwapa edindingwe akabva. Kana Bhaibheri rinoti, “Usabvise miganhu yakare yakaiswa namadzibaba ako.”

Isu sevanhu tine zvisungo zvisina kunyorwa asi zvinotidzora pahunhu, mafungiro nematauriro. Kana tisingatevedzere zvisungo izvozvo zvinotitarira miganhu yatisingafanirwe kudarika nemwero yatisingafanirwe kupfurikidza, tinoita mhandu yenyika, mhandu yetsika, mhuri nebudiriro.

Miganhu nemwero ndizvo zvinotiita kuti tinzi vanhu pane vamwe vanhu. Kana ukaita zvinhu zvakanaka, zvinopembedzwa nekupururudzirwa. Asi kana ukaita zvisina hunhu, vanhu havakubhabhadzire nekukusekerera nekuti hunhu hwako hunoparadza hukama, misha, tsika, hunhu nebudiriro. Kurarama kwedu kwakarara pamubhedha wekuziva miganhu yedu, kuziva patiri nevatiinavo. Kana uri chidhakwa ziva kuti nyika yese haisi bhawa zvekuti chero pawangotarisa unoona chimbuzi. Hama dzangu, kufumuka inhunzi dzakaunganira nyama yakaora.

Imi vanhu vemhuri yeZimbabwe ndimi makaudza Boom Betto kuti anogona nyangwe achinyadzisira. Ndimi makati ngaadonhedze zvake tsika nehunhu. Asi kana mave kuisa paYouTube vhidhiyo inosemesa seyaBoom Betto, mobva mati ndiyo Zimbabwe, ini ndinoramba zvekuti ndinganoshevedza Lameck kuMabvuku kuti udza vanhu veZinbabwe kuti kufarira kudonhedza tsika kwavo, kwakafanana nekufarira kufuguka kwerokwe raamai vako. Kana uri munhu ane hunhu, unotaura mashoko akapfeka. Mashoko anoda kupfekedzwa heti, juzi nemagirovhosi kuti zviite zvakanaka. Mweya wekutevedzera zveDancehall dzekune dzimwe nyika dzinotipusisa zvekusvika pakusekerera benzi rinonwa muto vamwe vachida kuseva.

Asika hama dzangu, chero danda rikagara mumvura kwemakore akawanda, harife rakapinduka kuita garwe. Muri kudzidzisa chii chaizvo pamunenge muchicheka maLevels?

Vakuru vakare vaidzidzisa, kurayira nekutsiura. Vanhu vakuru vaive nemiromo isingawire pasi. Asi nhasi mashoko edu ave kutaurwa nevana vakakoriwa, uye vachitaura mashoko anofadza ruzhinji, asi asina kupfeka, uye achidonhedza tsika.

Ndakanzwa vamwe vanhu vachitaura nezvevhidhiyo yakaitwa naBoom Betto yechimbo chake chemusika. Vanhu ivavo vakanga vachichemachema nekushaya tsika nehunhu kwevhidhiyo iyoyo. Ini ndobva ndati, nhai mhuri yeZimbabwe, saka mave kuzviona iko zvino kuti Boom Betto iboorangoma?

Sei muchinonoka kuona kudaro kufanana nemunhu anozoseka joke mushure memazuva maviri? Ndakakuudzai kuti chimbo chekudonhedza musika hachina hunhu zvekuti dai ndaive nesimba ndakati chisaridzwe pamaredhiyo.

ZveDancehall izvi hazvisi zvedu, takazvikwereta kune vamwe asi kumwe kukopa kunofoirisa.

Chinondishamisa ndechekuti ndakanzwa chimbo ichi chekudonhedza tsika chichitoridzwa pane chimwe chikoro, uye vakuru vechikoro vachitodairirawo. Seiko tichisekerera mimba yembwa seinokamwa mukaka? Kana pakati pedu pakashaya vakuru — kana vebazi reHurumende rinoona nezvekukurudzirwa nekuchengetedzwa kwetsika dzedu vanorambidza vana vari kukurudzira chipfambi nekusaziva zvekuimba nezvekusaimba — nyika yedu inoita bhini remarara panyaya dzetsika. Mashoko akafanana nemari inoiswa mubhengi. Bhengi retsika nehunhu hariiswe nhoko dzemashoko, asi tsumo nemadimikira asinganyadzisire. Kana ukarega kuisa zvinhu zvinoumba tsika nehunhu mubhengi retsika nehunhu, usafunge kuti unozotora chinhu chakanaka chausina kuisa.

Kana ukasarima munda, usafunge kuti unokohwa. Tinozviziva kuti muri kutsvaga mbiri, asi musakanganwe kuti datya raida kukura kuenzana nenzou rikazoparuka!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey