Bulawayo yava pa’lockdown’

24 Jun, 2021 - 10:06 0 Views
Bulawayo yava  pa’lockdown’ Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Nqobile Tshili

GUTA reBulawayo nemusi weChipiri svondo rino rakaiswa pasi pechirongwa chelocalised lockdown icho chakananga kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 munzvimbo dziri kunetsa denda iri.

Hurumende yakapfuudza mberi zvakare kuvhurwa kwezvikoro nemasvondo maviri zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi munyika yose.

Zvikoro zvange zvichifanirwa kuvhurwa nemusi weMuvhuro unotevera kuitira kutanga kwetemu yechipiri apo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 hwange husati hwakwira.

Aka ndekechipiri Hurumende ichipfuudza kumberi mazuva ekuvhurwa kwezvikoro.

MunaNdira, Hurumende yakambomisa zvakare kuvhurwa kwezvikoro zvichitevera kuwanda kwevanhu vaibatwa nechirwere cheCovid-19 uye izvi zvinonzi zvakakonzerwa nekufamba-famba kusina tsarukano kwakaitwa neveruzhinji panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva.

Matunhu ari pechirongwa chelocalised lockdown kuBulawayo anosanganisira Nkulumane, Emakhandeni nemamwe ari kuchamhembe.

Marukisheni ari pasi peNkulumane anoti Nkulumane, Pelandaba, Sizinda, Nketa, Emganwini neBarham Green.

Nerimwe divi, marukisheni ari pasi peEmakhandeni anosanganisira Cowdray Park, Njube, Luveve, Magwegwe, Pumula neEmakhandeni.

Ekuchamhembe anosanganisirawo Mpopoma, Mzilikazi, Nguboyenja, Makokoba nemukati meguta reBulawayo.

Kushaya hanya kweveruzhinji nekutevedzera matanho akatarwa neHurumende ekuedza kudziviririra kupararira kwechirwere cheCovid-19 ndiko kunonzi kuri kukonzera kuwanda kwevanhu vari kubatwa nedenda iri.

Vachitaura nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti Hurumende ichaona kuti zvakakodzera here kuti zvikoro zvivhurwe mushure memasvondo maviri aya.

“Nekuda kwekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi mudunhu (Sadc) uye nemunyika muno, nyika inoziviswa kuti Cabinet yaita chisungo chekuti kuvhurwa kwezvikoro nedzimwe nzvimbo dzekufundira kumbomiswa kwemasvondo maviri ari kutevera. Hurumende ichaongorora mamiriro ezvinhu uye nyaya iyi ichazoonekwa nezvayo mushure menguva iyi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti zvirongwa zvelocalised lockdowns zviri kuitwa kunzvimbo dziri kuonekwa dzichinetwa zvakanyanya neCovid-19.

“Cabinet yakapasisa zvakare localised lockdowns munzvimbo dziri kukurumbira dzinotevera: – kuMashonaland West kune Karoi, Makonde, Chinhoyi, Mhangura, Chidamwoyo, Magunje neChirundu. KuBulawayo kune Nkulumane, Emakhandeni nemakukisheni ari kuchamhembe uye kuMashonaland Central kune Mount Darwin kwozoti kuMasvingo kune Chiredzi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey